Riahona
Vadyi veZvisikwa Zveumwari
Ndira 2026 Liahona (Riahona)


“Vadyi veZvisikwa Zveumwari,” Liahona (Riahona), Ndira 2026.

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona (Riahona), Ndira 2026

Vadyi veZvisikwa Zveumwari

(2 Petro 1:4)

Ruzivo rwechirongwa cheruponeso rwunopa maonero akakosha, rwunowedzera mufaro wedu, uye rwunotisimbisa kuti tikunde zvinetso nematambudziko edu.

mufananidzo waKristu achidaidza vadzidzi vaviri

Christ Calls Two Disciples [Kristu Anodaidza Vadzidzi Vaviri], naGary E. Smith

MuApositora Petro anotiyeuchidza kuti kuvadzidzi vaJesu Kristu, “simba Rake rehumwari rakatipa zvose zvinhu zvinodikanwa paupenyu napakunamata Mwari, kuburikidza neruzivo rwake uyo akatidaidza kukubwinya uye kuhunhu hwakanaka:

“Izvo kuburikidza nazvo tinopuwa vimbiso hurusa uye dzakakosha zvikurusa: kuti nazvo mugova vadyi vezvisikwa zveumwari” (2 Petro 1:3–4; kusimbiswa kwakawedzerwa).

Chirongwa chaBaba Vokudenga chinotsanangura zvokwadi nezvivimbiso zvikuru uye zvakakoshesesa izvo zvinotsanangura mamiriro edu nechinangwa chedu zvokusingaperi.

Sokutsanangurwa kwazvakaitwa “muMhuri: Chiziviso kuNyika”:

“Vanhu vose—vanhurume nevanhukadzi—vakasikwa nemufananidzo waMwari. Mumwe nemumwe mwanakomana kana mwanasikana wemweya anodiwa wavabereki vokudenga, uye, nokudaro, mumwe nemumwe ane hunhu nemagumisiro ehumwari. …

“Munyika tisati tazvarwa panyika, vanakomana nevanasikana vemweya vaiziva uye vainamata Mwari saBaba vavo Vokusingaperi uye vakagamuchira chirongwa Chavo icho vana Vavo chavaizokwanisa kuwana nacho muviri wenyama uye kuwana ruzivo rwapanyika kuti vafambire mberi vakananga kuururami uye pokupedzisira vagowana mugumisiro wavo wehumwari savagari venhaka youpenyu hwokusingaperi.”

Baba Vokudenga vanovimbisa vana Vavo kuti kana vakatevera misimboti yechirongwa Chavo uye muenzaniso weMwanakomana Wavo Anodiwa, vakachengeta mirairo, uye vakashingirira murutendo kusvika kumagumo, “vachava neupenyu hwokusingaperi, icho chinova chipo chikurusa pazvipo zvose zvaMwari” (Dzidziso neZvibvumirano 14:7).

Basa raMwari rakanangiswa pakufambira mberi uye nekusimudzirwa kumusoro-soro kwevana Vavo. Chikamu chega chega chechirongwa Chavo chakaitirwa kuti chiropafadze vanakomana nevanasikana Vavo nokuti “kukosha kwemweya kukuru mumaziso [Avo]” (Dzidziso neZvibvumirano 18:10).

Chirongwa chaBaba

Mudare rokudenga tisati tazvarwa panyika, Baba Vokudenga vakasuma kuvana Vavo vemweya chirongwa Chavo chekufambira mberi kwavo uye nemufaro wavo.

“Tinozosika panyika apo ava pavangazogara;

“Uye tinozovaedza ipapo, kuti tione kana vachizoita zvinhu zvose zvipi nezvipi zvazvo Ishe Mwari vavo zvavachavaraira;

“Uye avo vanochengeta urarami hwokutanga hwavo vachapamhidzirwa; uye avo vasingachengeti urarami hwavo hwekutanga havazovi nokubwinya muumambo humwechetehwo naavo vanochengeta urarami hwokutanga hwavo; uye avo vanochengeta urarami hwechipiri hwavo vachava nokubwinya kunopamhidzirwa pamisoro yavo nariinhi nariinhi.

“Uye Ishe vakati: Ndiani wandichatuma? Uye mumwe akapindura seMwanakomana weMunhu: Ndiri pano, nditumei ini. Uye mumwe akapindura uye akati: Ndiri pano, nditumei ini. Uye Ishe vakati: Ndinozotuma wokutanga.

“Uye wechipiri akashatirwa, uye akasachengeta urarami hwokutanga hwake; uye, pazuva iroro, vazhinji vakatevera mushure make” (Abrahama 3:24–28).

Cherechedza kuti chirongwa chimwechete ndicho chakasumwa mudare kudenga tisati tazvarwa panyika—chirongwa chaBaba. Baba Vedu Vokudenga havana kubvunza mubvunzo wokuti, “Tichaita sei?” Havana kutsvaka dzimwe pfungwa, kukumbira kurudziro, kana kukumbira mazano. Panokudaro, Vakasuma zvinhu zvakakosha zvechinangwa Chavo uye vakabvunza, “Ndichatuma ani?” Chinangwa chakakoshesesa chemubvunzo Vawo chaiva chakanangiswa pakuti ndiani aifanira kutumwa kuti anozadzikisa mitemo nezvidikanwi zvechirongwa Chavo.

Mhedzisiro dzekupanduka kwemuvengi dzinotsanagurwawo mumagwaro matsvene.

“Naizvozvo, nokuda kwokuti Satani iyeye akandipandukira, uye akatsvaga kuparadza kwaniso yokuzvisarudzira yemunhu, iyo ini … yandakanga ndamupa, uyewo, kuti ndipe kwaari simba rangu pachangu … , ndakakonzera kuti akandirwe kunze;

“Uye akava Satani, … dhiabhorosi, baba venhema dzose, kuti anyengedze nokupofomadza vanhu, nokuvatungamirira muhutapwa pamadiro ake, kunyangwe avo vose vanoramba kuteerera kuinzwi rangu” (Mosesi 4:3–4; kusimbiswa kwakawedzerwa).

Rusifa haana kusuma chirongwa icho chakarambwa neruzhinji rwevatori vechinhanho mudare rekudenga tisati tazvarwa panyika. Haasi munhu anetsitsi uyo akakundwa musarudzo. Akapanduka! Rudado, kuzvikudza, uye hundingoveni zvakakurudzira kupandukira kwake chirongwa chaBaba.

Chirongwa chaBaba uye neVhangeri reMuponesi

Chirongwa chinotsanangura mabasa aBaba neMwanakomana icho chinoita kuti maropafadzo ehupenyu hwokusingaperi avepo kuvanhu vose.

Vhangeri raJesu Kristu rinosanganisira nzira idzo dzatinokwanisa kugamuchira nadzo maropafadzo akavimbiswa muchirongwa chaMwari, kunyangwe dzidziso, misimboti, zvisungo, uye nezvibvumirano izvo vanhurume nevanhukadzi zvavanofanira kutenda nokutevera. “Hakuna rimwe zita rinopuwa pasi pedenga kunze kweuyu Jesu Kristu … uyo kuburikidza naye vanhu vanokwanisa kuponeswa” (2 Nifai 25:20). Zvirokwazvo, Ishe Jesu Kristu ndiye “nzira, chokwadi, uye noupenyu: hapana munhu anouya kuna Baba asi [nokwaAri]” (Johane 14:6; kusimbiswa kwakawedzerwa).

Mutungamiri Russell M. Nelson vanotsanagura:

“Chirongwa chaida Kusikwa, uye Kusikwa kwaida zvose Kuputsika uye neRudzikinuro. Izvi ndizvo zvinhu zvitatu zvakakosha zvikuru zvechirongwa. Kusikwa kwenyika yeparadiso kwakabva kuna Mwari. Upenyu hwunofa uye rufu zvakauya munyika kuburikidza nekuputsika kwaAdama [ona 2 Nifai 2:25; Mosesi 6:48]. Kusafa uye mukana wekuwana upenyu hwokusingaperi zvakaunzwa neRudzikinuro rwaJesu Kristu [ona 2 Nifai 2:21–28]. …

“… Tinouya pano pasi kwechinguva chishomana, toshingirira miedzo nematambudziko edu, uye togadzirira kufambira mberi uye kumusoro kunotambirwa kumusha nomufaro unoshamisa [ona Mapisarema 116:15; Aruma 42:8]. Pfungwa dzedu nezviito zvedu tiri [muupenyu hwunofa] zvirokwazvo zvinozova nechinagwa chikuru kana tikanzwisisa chirongwa chaMwari uye tikatenda uye nekuteerera mirairo Yavo [ona Dzidziso neZvibvumirano 59:20–21].”

Misoro yenyaya yeChirongwa muBhuku raMormoni

Tinodzidza zvokwadi zvakakosha kuburikidza nokudoma uye nokunzvera misoro yenyaya yakawanda yakasiyana siyana yechirongwa chaBaba muBhuku raMormoni: Imwe Testamente yaJesu Kristu. Somuenzaniso, funga nezve misoro yenyaya yakasarudzwa inotevera:

“Chirongwa chengoni cheMusiki” (2 Nifai 9:6).

“Chirongwa chaMwari vedu” (2 Nifai 9:13).

“Chirongwa cheruponeso” (Jaromu 1:2; Aruma 24:14).

“Chirongwa cherununuro” (Aruma 12:25, 26, 30, 32, 33; 42:11, 13).

“Chirongwa chekudzorerwa” (Aruma 41:2).

“Chirongwa chemufaro” (Aruma 42:16).

“Chirongwa chikuru chengoni” (Aruma 42:31).

Imwe neimwe yemisoro yenyaya iyi inotibatsira kunzwisisa zvakanyanya kujeka vimbiso dzakakosha dzechirongwa chaBaba uye inowedzera nzwisiso yedu pamusoro pezvinangwa uye revo yeupenyu hwedu hwunofa.

Zvinokosha ndezvokuti, musoro wenyaya unonyanya kushandiswa zvikuru pachirongwa chaMwari muBhuku raMormoni unonangisa pfungwa parununuro rwakaitwa kuti rukwanisike kuburikidza neRudzikinuro rwaJesu Kristu.

Aruma akazivisa kuti, “Dai pakanga pasina zano rorununuro, urwo rwakavapo kubva pakuvambwa kwenyika, kungadai kusina kumuka kuvakafa kwavakafa; asi pakanga paine zano rorununuro rakamiswa, iro richaita kuti kumuka kuvakafa kwavakafa kuitike” (Aruma 12:25).

Akayambirawo kuti, “Mutange kutenda muMwanakomana waMwari, kuti anozouya kuzonunura vanhu vake, uye kuti achatambura uye agofa kuti adzikinure zvivi zvavo; uye kuti achamuka zvakare kubva kuvakafa, izvo zvichaita kuti kumuka kuvakafa kuitike, zvokuti vanhu vose vachamira pamberi pake, kuti vatongwe pazuva rokupedzisira uye rokutongwa, maererano namabasa avo” (Aruma 33:22).

Nzira yaGakadzirwa

Mweya yedu inofanira kukumuka noruvongo apo patinofunga pamusoro pechirongwa chikuru chaMwari cheruponeso, rununuro, kudzorerwa, ngoni, uye mufaro. Ruzivo rwechirongwa Chavo cheruponeso rwunopa maonero akakosha, rwunowedzera mufaro wedu, uye rwunotisimbisa kuti tikunde zvinetso uye nematambudziko edu.

Baba Vokudenga vanoda zvikurusa kuti isu tidzoke kumba kwaVari. Vanotikoka uye nokutivimbisa maropafadzo, asi Havazombofi vakamanikidza, kugombedzera, kana kurambidza kushandisa kwedu kwaniso yokuzvisarudzira pahunhu yaVakatipa. Tinofanira kuita uye tosarudza kudzokera kwaVari kuburikidza nokutevera muenzaniso weMwanakomana Vavo Anodiwa.

mufananidzo weruoko rwemwana ruchinanavira ruoko rwaJesu Kristu

His Hand Is Stretched Out Still (Ruoko Rwake Rwuchakatambanudzwa), naElizabeth Thayer

Nzira yakagadzirwa, uye kana tikazotarisa tinogona kurarama nariinhi nariinhi” (Aruma 37:46; kusimbiswa kwakawedzerwa).

Ndinopupura nomufaro kuti Baba Vokudenga ndivo munyori wechirongwa chehumwari chevana Vavo. Jesu Kristu ndiye Mununuri neMuponesi wedu. Uye semumwe waVaApositora vamazuva ekupedzisira vaIshe, ndinopupura kuti zvirokwazvo Ndiye “nzira, chokwadi, uye neupenyu” (Johane 14:6; kusimbisa kwakawedzerwa).

Manotsi

  1. Mhuri: Chiziviso kuNyika,” Raibhurari yeVhangeri.

  2. Russell M. Nelson, “The Creation,” Ensign, Chivabvu 2000, 84, 86.

  3. Kuti uwane wongororo yakazara yemisoro yenyaya yakawanda yechirongwa chaMwari inowanikwa muBhuku raMormoni, ona Noel B. Reynolds, “The Plan of Salvation and the Book of Mormon,” Religious Educator, vol. 21, no. 1 (2020), 31–53.