2025
Zvibvumirano, Simba, uye Vimbiso
Liahona yaGumiguru 2025


”Zvibvumirano, Simba, uye Vimbiso,“ Liahona, Gumiguru 2025.

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Gumiguru 2025

Zvibvumirano, Simba, uye Vimbiso

Temberi yakakosha zvikurusa kusimba nedziviriro zvakavimbiswa kune vakatendeka Kuuya kweChipiri kwaIshe Jesu Kristu kusati kwaitika.

mufananidzo waJoseph Smith akamira pamberi peTemberi yeKirtland

mufananidzo waJoseph Smith naDan Burr

Muna Chivabvu 1833, sekuru vangu vakuru vechina Asahel Perry nedzimwe shamwari dzavo vakafamba kubva kuNew York yokumaodzanyemba kuenda kuKirtland, Ohio. Vakanga vasiri nhengo dzeChechi yaiva ichangodzorerwa, asi vaida kusangana neMuporofita Joseph Smith. Vakasvika nguva ichangokwana yokupinda mudare rokutanga raiitwa kukurukura kuvakwa kweTemberi yeKirtland.

Mushure mokutanga dare, Muporofita akasuma nyaya yokuvaka temberi. Zvino akakumbira avo vaivamo kuti vataure manzwiro avo maererano nebasa guru rakadaro. Vazhinji vakapindura kuti Chechi yaiva isina mari yokuita basa guru rakadaro. Vakapa zano rokuti vavake chivako chiduku, chisingadhuri.

Munguva yehurukuro yakatevera, Sekuru Perry neshamwari dzavo vakaungana pamwechete, vakaburitsa mari yavo, uye vakaiverenga. Vakanga vane yakakwana here yokubhadhara rwendo rwavo rwokudzokera uye yokupa kukuvakwa kwetemberi? Maminetsi mashoma pashure, sekuru vakaenda kuna Joseph Smith, vakaburitsa koini yegoridhe yemadhora mashanu, uye vakaikumikidza kuMuporofita. (Koini yakadaro nhasi yakakosha mazana amadhora!)

Joseph akamira pamberi pedare uye akasimudza koini yacho. Zvino, achitaura nesimba guru, akati ”basa rakanga ratanga uye Imba [yaIshe] yaizovakwa maererano nemutoo wakasumwa“ naIshe Jesu Kristu.

Mhuri yekwaPerry nechinguva chipfupi yakapinda Chechi muKirtland, vakagamuchira maropafadzo emutemberi avo pashure pamakore mashoma muTemberi yeNauvoo, uye pashure vakayambuka mapani kuenda kuUtah.

Panguva yakazokumikidzwa Temberi yeKirtland muna 1836, yakanga yava dukusa kutora Vatendi vaMazuva Ekupedzisira vose avo vaida kuvapo pakukumikidzwa kwayo. Apo Chechi payaikura, huwandu hwaVatendi avo vaifanira kupindira misangano panze hwaikurawo. Mutungamiri James E. Faust (1920-2007), avo vakashandira semutungamiri wangu wehoko apo pandaiva ndiri mukomana wechidiki uye semurairidzi apo pandakadaidzwa seMutungamiri Mukuru muna 2007, vakaita cherechedzo iyi maererano netemberi yechipiri yeChechi:

”Temberi yeNauvoo isati yapedzwa muna 1846 Vatendi vaisangana panze, kazhinji pedyo netemberi, kuti vanzwe Joseph nevamwe vatungamiri veChechi vachitaura. Dzimwe nguva zviuru zvaipinda misangano iyoyo“ - dzimwe nguva kunyangwe mumamiriro okunze asina kunaka.

”Sokucherechedza kwakaita [Gosa] George A. Smith nenzira yavo inosekesa, kuti ‘Mumazuva eMuporofita Joseph … [chechi] yaibudirira zvakanyanyisa kunaka kunze kwemikova.’“

Tinovonga kuti muzuva redu, Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira iri kubudirira kunze, mukati, uye napanyika pose. Kubudirira ikoko kunosanganisira kuvakwa kwematemberi nokukurumidza kusati kwamboitika ”maererano nemutoo vakasumwa“ −mutoo uyo wakagara uchisanganisira maropafadzo, rukumikidzo, rutendo, uye kuzvipira.

mufananidzo weTemberi yeKirtland

Chiedza Chinoshamisa−Temberi yeKirtland, naGlen S. Hopkinson, haufaniri kukopwa

Sei Matemberi Akawanda Kudaro?

”Vatungamiri vakatitangira vakaporofita kuti matemberi aizozara munzvimbo dzeAmerica yoKumaodzanyemba neyoKuchamhembe, zvitsuwa zvePacific, Europe, uye nokumwewo,“ Mutungamiri Ezra Taft Benson (1899-1994) vakadaro makumi amakore akapfuura ayo. ”Kana basa rerununuro iri richifanira kuitwa nemwero wehuwandu warinofanira, mazana ematemberi anozodikanwa."

Mutungamiri Russell M. Nelson vakati tiri kuvaka matemberi nokukurumidza kusati kwamboitika nhasi “nokuda kwokuti Ishe vakatiraira kuti tiite kudaro. Maropafadzo etemberi anobatsira kuunganidza Israeri kumativi ose echidzitiro. Maropafadzo aya anobatsirawo kugadzirira vanhu avo vanozobatsira kugadzirira nyika Kuuya kweChipiri kwaIshe!“

Mumunamato wake werukumikidzo rweTemberi yeKirtland, Joseph Smith akanamata ”kuti vanhu vose vachapinda nepamusuo weimba yaIshe vagonzwa simba renyu. …

“Uye tinokukumbirai, Baba Vatsvene, kuti varanda venyu vagoenda mberi kubva muimba ino vakapakatira simba renyu, uye kuti zita renyu rigova pavari, uye kubwinya kwenyu kuvakomberedze, uye ngirozi dzenyu dzivachengete“ (Dzidziso neZvibvumirano 109:13, 22; kusimbisa kwakawedzerwa, onawo ndima 23).

Apo pandinoverenga ndima idzi, ndinofunga nezve chiratidzo chaNifai chemazuva ekupedzisira. Cherechedza mashoko akafanana: ”Uye zvakaitika kuti ini, Nifai, ndakaona simba reGwayana raMwari, kuti rakadzika pavatendi vechechi yeGwayana, uye pavanhu vechibvumirano vaIshe, avo vakanga vakapararira napamusoro penyika yose; uye vakanga vakapakatira ururami uye nesimba raMwari mukubwinya kukuru“ (1 Nifai 14:14; kusimbisa kwakawedzerwa).

Ndinotenda kuti matemberi amazuva ekupedzisira anebasa rakakosha zvikuru mukuzadzikiswa kwehuporofita hwaNifai uye akakosha zvikuru kudziviriro nesimba zvakavimbiswa kune vakatendeka Kuuya kweChipiri kusati kwaitika.

Makore akatiwandei apfuura ayo, apo pandaishandira sabhishopi wewadhi repayunivhesiti, ndakafadzwa zvikurusa nemumwe musikana wechidiki muwadhi mangu. Achiri kundifadza nanhasi. Munomuziva saMutungamiri Emily Belle Freeman, Mutungamiri Mukuru weVasikana Vechidiki. Munhauro yemusangano mukuru uchangopfuura, akadzidzisa kuti kuburikidza netemberi, Jesu Kristu anotisimudzira kudanho rezvepamweya rakakwirira zvikuru.

”Nguva yoga yoga yandinopinda nepamusuo weimba Yake, ndinonzwa ukama hwechibvumirano Naye hwakanyanya kudzama,“ Mutungamiri Freeman vakadaro. ”Ini ndakatsveneswa neMweya Wake, ndakapuwa simba Rake, uye ndikatsaurwa kuti ndivake umambo Hwake.“

Simba Rakavimbiswa

Mutungamiri Nelson vakataura kakawanda pamusoro pesimba raJesu Kristu rinowanikwa kuburikidza nezvibvumirano zvemutemberi. ”Kuzviisa pajoko neMuponesi zvinoreva kuti unokwanisa kuwana kungwinya uye simba rinonunura Rake,“ vakadaro. Mutungamiri Nelson vakadzidzisawo kuti:

”Apo patinochengeta zvibvumirano zvemutemberi zvedu, tinonyanya kukwanisa kuwana simba rinogwinyisa raIshe. Mutemberi, tinogamuchira dziviriro kubva kumatambudziko enyika.“

”Zvisungo zvakakosha [zveMuponesi] zvinotisunganidza kwaAri kuburikidza nezvibvumirano zvehupirisita zvinoera. Zvino, apo patinochengeta zvibvumirano zvedu, Anotiropafadza nesimba rinoporesa uye rinogwinyisa Rake. Uye, tinozoda zvikurusa simba Rake mumazuva ari mberi.“

”Simba reururami uye rezvepamweya iro vanhu vedu ravanoda iyezvino uye mumazuva ari mberi ndiro simba raMwari Baba neMwanakomana Wavo, Jesu Kristu. Tinokwanisa kuwana simba Ravo kuburikidza nokuita uye nokuchengeta zvibvumirano Navo.“

Simba rokudenga rakakosha, mabhuratha nemasisita, nokuda kwokuti tinorarama munyika yakaipa zvikuru. Pasina simba iroro, hatizokwanisi ”kutsunga nezuva rokuuya kwake” kana ”kumira apo paanoonekwa“ (Maraki 3:2). Hatizivi kuti zuva iroro rinozouya riinhi, asi mutumwa Wake akatotumwa kare ”kuzogadzirira nzira“ yokuuya Kwake (Maraki 3:1). Panguva imwecheteyo, nyika haisi kufamba zvakadzikama yakananga kuzuva iroro.

Tinoda simba rakavimbiswa kune vakatendeka kuti ritibatsire:

  • Kurega Mwari vachikunda muupenyu hwedu.

  • Kutendeuka uye kuswedera pedyosa naIshe.

  • Kuropafadza, kunyaradza, kutungamirira, uye kushumira.

  • ”Kukunda miyedzo, zviedzo, uye marwadzo emwoyo zvirinani“ (ona Mosaya 3:19).

  • Kuwana runyararo uye mufaro muna Kristu apo patinofamba nemugwara rechibvumirano.

  • Kugadzirira ”zuva rokutsva“ uye ”nhamo huru yavanyangadzi“ (Dzidziso neZvibvumirano 109:46).

  • Kuzadzikisa basa raIshe Kuuya Kwake kweChipiri kusati kwaitika.

Temberi yeTucson Arizona

Mufananidzo wedenga reTemberi yeTucson Arizona naJames Whitney Young

Varindi veRuponeso

Basa nokubwinya kwaBaba Vokudenga ndere ”kuunza kusafa neupenyu hwokusingaperi hwavanhu” (Mosesi 1:39). Temberi yoga yoga inomira semurindi wepanyika wechirongwa cheruponeso chaMwari, ichinongedzera kubasa rakakosha zvikurusa reMuponesi mubasa nokubwinya ukoko.

Akapakatira simba Rake, murume nemudzimai wose anochengeta chibvumirano-achata kana kuti asina-uyo anochengeta norutendeko zvibvumirano zvemutemberi anozoropafadzwa muupenyu hwuno uye muupenyu hwuchauya.

Mutungamiri Nelson vakavimbisa kuti: ”Magumo ayo mumwe nomumwe wedu aanoedza kuwana ndeekupuwa simba muimba yaIshe, kusunganidzwa semhuri, kutendeka kuzvibvumirano zvakaitwa mutemberi izvo zvinozoita kuti tikodzere chipo chikurusa chaMwari-icho cheupenyu hwokusingaperi. Zvisungo zvemutemberi uye nezvibvumirano zvaunoita imomo zvakakosha zvikuru pakusimbisa upenyu hwako, muchato nemhuri yako, uye kwaniso yako yokukunda kurwisa kwemuvengi. Kunamata kwako mutemberi uye kushandira kwako imomo muchinzvimbo chemadziteteguru ako kunozokuropafadza nezvakazarurwa zvako pachako uye nerunyararo zvakawedzerwa uye kunozosimbisa kuzvipira kwako kuramba uri mugwara rechibvumirano.“

SemuApositora waIshe Jesu Kristu, ndinopupura kuti zvinhu izvi ndezvechokwadi.

Manotsi

  1. Ona Stephen C. Perry letter to Wilford Woodruff, Mbudzi. 21, 1884, Church History Library, catalog.ChurchofJesusChrist.org.

  2. James E. Faust, “Salt Lake Tabernacle Rededication,” Liahona, Chivabvu 2007, 39.

  3. The Teachings of Ezra Taft Benson (1988), 247.

  4. Russell M. Nelson, “The Lord Jesus Christ Will Come Again,” Liahona, Mbudzi 2024, 121.

  5. Emily Belle Freeman, “Walking in Covenant Relationship with Christ,” Liahona, Mbudzi 2023, 79.

  6. Russell M. Nelson, “Overcome the World and Find Rest,” Liahona, Mbudzi 2022, 97.

  7. Russell M. Nelson, “The Lord Jesus Christ Will Come Again,” 121.

  8. Russell M. Nelson, “The Temple and Your Spiritual Foundation,” Liahona, Mbudzi 2021, 94.

  9. Russell M. Nelson, in Kevin W. Pearson, Utah Area Broadcast, Mbudzi 20, 2024, utah.ChurchofJesusChrist.org.

  10. Ona Neil L. Andersen, “Spiritual Whirlwinds,” Liahona, Chivabvu 2014, 18.

  11. Russell M. Nelson, “Overcome the World and Find Rest,” 96.

  12. Russell M. Nelson, “As We Go Forward Together,” Liahona, Kubvumbi 2018, 7.