“Wana Mufaro muRwendo Rwako rweVhangeri,” Liahona (Riahona), Chikunguru 2025.
Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona (Riahona), Chikunguru 2025
Wana Mufaro muRwendo Rwako rweVhangeri
Mugumisiro wokupedzisira wokuratidza rudo rwedu rwaIshe kuburikidza nokuchengeta mirairo Yavo ndewe maropafadzo ayo anounza rudekaro nomufaro.
Mufananidzo wenhengo dzeChechi dzinofara muThailand naChristina Smith
Apo pandaishandira semutungamiri wehushumiri muJapan mamwe makore akapfuura ayo, ndakapinda musangano mukuru wepakupera kwevhiki muguta rekumaruwa mune rimwe divi rokuresa rehushumiri hwedu. Mutungamiri wedunhu akanga aronga kuti ini ndiite bvunzurudzo nemurume uyo akanga apinda muChechi gore rakanga rapfuura uye aitsvaka kuti agamuchire mvumo yemutemberi. Aitarisira kuti agamuchire endawumenti yake pachake pamhembero yegore yorubhabhatidzo rwake kana pedyo nayo.
Munguva yehurukuro yedu, nhengo itsva iyi yakatsanangura ruvongo rwakadzama rwaaiva narwo nemaropafadzo mazhinjisa aakanga agamuchira mugore raiva rapfuura kubva paaiva abhabhatidzwa. Aifarira kupinda misangano yesakaramende yevhiki roga roga uye nemimwe misangano. Akatora chinhanho zvikuru muzviitwa zvebazi rake. Kwandiri, airatidza ruvimbo rwechibvumirano rwaibva mukunzwisisa chinangwa chake chevhangeri, icho zvino chaiva chava chikamu chakakosha chake. Aiva mudzidzi akatendeutswa waKristu uyo akanga awana shanduko hurusa yemwoyo (ona Mosaya 5:2).
Imwe hurukuro yedu yose yakatevera mutoo une tariro. Takakurukura zvisungo nezvibvumirano zvaizova chikamu chechiitiko chake chemutemberi. Akapindura kuti hongu kune mumwe nemumwe wemibvunzo yemazuva ose iri maererano nokugamuchira mvumo yemutemberi.
Mushure mebvunzurudzo, ndinoyeuka ndichitaura kumutungamiri wedunhu mavongero andaiita kuti ndaiva ndasangana nemurume akanaka zvikuru kudaro. Ndakamuudza kuti ndaifara zvikuru kuti vashumiri uye nhengo vakanga vawana, uye vakataririra zvepamweya, mumwe munhu ane hunhu nevimbiso yakanaka kudaro.
Ndakashamiswa zvikuru apo mutungamiri wedunhu paakagovera kuti murume uyu paakatanga kugamuchira zvidzidzo kubva kuvashumiri uye nokuuya kuchechi gore kana kupfuura rakanga radarika iro, aiva asina pekugara uye ari mumamiriro ezvinhu aiva akaoma zvikurusa—aiva pedyo nokuva asina tariro. Mutungamiri wedunhu zvino akatsanangura kuti kunzvera vhangeri kwabhuratha uyu uye nerutendeuko rwake nemunguva yemwedzi yakati wandei kwakatungamirira sei shanduko yake inoshamisa, zvichimuisa pagwara rokuzviriritira zvose pane zvepamweya nepane zvepanyama uye nokumupa manzwiro okuva nechinangwa uye nemufaro.
Vhangeri rakamupa nzwisiso yakajeka yechinangwa cheupenyu hwake. Zvokwadi zvevhangeri zviri pachena uye zvakakosha zvakaunza mhinduro kumibvunzo yakakosha yeupenyu hwunofa, zvichitanga neruzivo rwokuti “Mwari ndivo Baba vedu Vokudenga, uye isu tiri vana Vavo. … Mwari vanotiziva isu pachedu uye vanotida.” Muchirongwa Chavo, “Baba Vokudenga … vakapa zvipo zvizhinji nenhungamiri dzakawanda kutibatsira kudzokera pamberi Pavo.”
Iri ndiro raiva ropafadzo remurume uyu, iro rinowanikwa zvakaenzana navana vose vaMwari kuburikidza nevhangeri raJesu Kristu.
Chinangwa cheUpenyu
Nokuda kwokuti Jesu Kristu akadzorera vhangeri Rake kuburikidza neMuporofita Joseph Smith, “tine nzwisiso yechinangwa cheupenyu, yokuti tiri vanaani,” vakataura pachena Mutungamiri M. Russell Ballard (1928-2023). Muuchapupu hwavo hwokupedzisira kuChechi, Mutungamiri Ballard, panguva iyoyo vaiva vakasanobata chinzvimbo choMutungamiri weChikwata cheVaApositora vane Gumi neVaviri vakati:
“Tinoziva kuti Mwari ndiani; tinoziva kuti Muponesi ndiani nokuda kwokuti tina Joseph, uyo akaenda muchisango chemiti semukomana mudiki, achitsvaka ruregerero rwezvivi zvake. …
“Ndinoshamiswa, uye ndine chokwadi chokuti vazhinji venyu vanoshamiswawo, nokuropafadzwa kwatakaitwa kuziva zvatinoziva pamusoro pechinangwa chedu muupenyu, kuti sei tiri pano, izvo zvatinofanira kunge tichiedza kuita nokuzadzikisa muupenyu hwedu hwamazuva ose.”
Kunhengo dzeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, ruzivo irworwo rwunosanganisira nzwisiso “yechirongwa chakarurama” cheruponeso chaMwari. Chinozivikanwawo “sechirongwa chikuru chemufaro,” “chirongwa cherununuro” uye “chirongwa chengoni” (Aruma 42:8, 11, 15), “zvinobvisa zvakavanzika kubva muupenyu uye kusava nechokwadi kubva mune ramangwana redu.” Zvakakosha kuchirongwa ichocho “idzidziso yaKristu,” iyo inova chinhu chikurusa kuchinangwa cheupenyu.
Nokuda kwokuti tine vhangeri, tinoziva kuti tiri vana vaMwari, vakatumwa panyika kuzoedzwa, kuzokwenenzverwa, uye kuzogadzirirwa “kuunzwa pamberi nokumutswa kuvakafa kwavakafa, kuburikidza nokukunda uye nokubwinya kweGwayana” (Dzidziso neZvibvumirano 76:39). Tinoziva mirairo uye tinorairwa “zvakakwana zvokuti [isu] tizive zvakanaka kubva pane zvakaipa” (2 Nifai 2:5). Tinoziva kuti tiri panyika kuti tide uye tishandire vamwe. Uye tinoziva kuti Muponesi akatidaidza kuti tikunde nyika uye kuti tibatsire vamwe kuita zvimwechetezvo (ona Johane 16:33; Dzidziso neZvibvumirano 64:2) mugadziriro yeKuuya kweChipiri Kwake.
Apo patinonangisa pfungwa paAri, uyo Joseph Smith waakadaidza kuti “mutinhimira wemufaro weVhangeri raIshe wedu Jesu Kristu” unozotisimbisa munguva yemazuva akaoma uye wounza revo nechinangwa kuupenyu hwedu uye kuupenyu hwevamwe.
Every Knee Shall Bow (Ibvi Rose Richapfugama), naDan Wilson, haukwanisi kukopwa
Kuteerera, Maropafadzo, Mufaro
Mwari vakatipa kwaniso yokuzvisarudzira pahunhu kuitira kuti tigozvidavirira pasarudzo dzedu (ona Dzidziso neZvibvumirano 101:78; 2 Nifai 2:16). Sechikamu “cherupikiso muzvinhu zvose” (2 Nifai 2:11), Satani anobvumirwa kutiedza kuti tishandise zvisina kunaka kwaniso yokuzvisarudzira yedu.
Asi Ishe Jesu Kristu, “achiziva njodzi iyo ichauya pavagari vapanyika” muzuva redu, akadaidza Muporofita Joseph Smith, “akataura kwaari kubva kudenga, uye akamupa mirairo” (Dzidziso neZvibvumirano 1:17). Mutoo iwoyo uyo kuburikidza nawo Ishe vanozivisa mirairo nechido Chavo kuvaporofita Vavo unoenderera mberi muzuva redu naMutungamiri Russell M. Nelson—uye nokuda kwechikonzero chimwechetecho. Mwari vanoda kutitungamirira kumufaro muupenyu hwuno uye kukubwiya kweseresitiyaro muupenyu hwunotevera.
Kuteerera kumirairo yaMwari kunofanira kuuya kubva mukuzvipira kwedu kwaVari uye murudo rwedu Rwavo. Ishe Jesu Kristu Pachake akazivisa pachena kuti kuda Mwari “ndiwo murairo mukuru nowokutanga” (ona Mateo 22:37–38). Akapa imwe nzwisiso apo paakazivisa pachena kuti, “kana muchindida, chengetai mirairo yangu” (Johane 14:15).
Kune mubairo wokuda Ishe uye nokuchengeta mirairo Yake. Mumukuwo uno Akatsanangura “mutemo, wakamiswa zvisingashandurwi kudenga … , uyo pauri maropafadzo ose paakamisirwa—
“Uye apo patinowana ropafadzo ripi zvaro kubva kuna Mwari, zvinoitika nokuda kwokuteerera kumutemo uyo pauri ropafadzo iroro parakamisirwa” (Dzidziso neZvibvumirano 130:20–21).
Nokudaro, Mugumisiro wokupedzisira wokuratidza rudo rwedu rwaIshe kuburikidza nokuchengeta mirairo Yavo ndewe maropafadzo ayo anounza rudekaro nomufaro.
Kutarisa paupenyu nemumaonero evhangeri rakadzorerwa uye nemuzvakazarurwa zvemazuva ano kunotipa rujeko. Nemaonero akajeka emavambo nemagumisiro edu ehumwari, tinoziva kuti “zvinhu chaizvo zvinozoita kuti upenyu [hwedu] hwunofa hwuve hwakanakisisa sezvahwunokwanisa kuva ndizvo chaizvo zvinhu zvimwechetezvo zvinozoita kuti upenyu [hwedu] nemukusingaperi kwose hwuve hwakanakisisa zvahwunokwanisa kuva!”
Mhedziso
Ndinogumisira apo pandatangira, ndichiyeuka chiitiko changu makore mazhinji akapfuura ayo nemutendeuki mutsva muJapan. Kuburikidza neushingairi hwake uye neushingairi hwevashumiri nenhengo, akawana vhangeri rakadzorerwa raJesu Kristu. Mukuwana vhangeri, akazivawo chinangwa chake, izvo zvakakudza maonero ake. Akawanawo chirongwa chikuru chemufaro. Kuteerera kuzvibvumirano zvevhangeri zvechirongwa kwakamuunzira maropafadzo nemufaro, kuchimusimudzira panyama nepamweya.
Rwendo rwake rwaitungamirira kuunhengo muChechi yaJesu Kristu rwakamubvumira kuva chapupu chaJesu Kristu. Gosa Patrick Kearon veChikwata cheVaApositora vane Gumi neVaviri vakatsanangura mufaro unotevera:
“Nokuda kwechirongwa chine rudo chaBaba vedu Vokudenga kune mumwe nemumwe wevana Vavo, uye nokuda kweupenyu nebasa zvinonunura zveMuponesi wedu, Jesu Kristu, tinokwanisa—uye tinofanira—kuva vanhu vanofara zvikurusa panyika! Kunyangwe apo madutu eupenyu munyika iyo kazhinji ine matambudziko paanotirova, tinokwanisa kuumba manzwiro anokura uye anogara emufaro nerunyararo rwemukati nokuda kwetarisiro yedu muna Kristu uye nzwisiso yedu yenzvimbo yedu pachedu muchirongwa chakanakisa chemufaro.”
Ndinopa ruvongo rwangu, uye uchapupu hwangu, hwevhangeri rakadzorerwa raJesu Kristu, kusanganisira chirongwa chikuru chemufaro icho chiri chikamu chakakoshesesa charo. Ndinokukokai kudya michero yevhangeri uye kunzwa mufaro mukuru muupenyu hwuno parwendo rwenyu makananga kuupenyu hwokusingaperi.
© 2025 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Liahona Message, July 2025. Shona. 19601 731