“Baba Vokudenga Vanoda Kutaura Nemi,” Liahona (Riahona), Kurume 2025.
Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Kurume 2025
Baba Vokudenga Vanoda Kutaura Nemi
Ita kuti rutendo rwako muna Baba Vokudenga neMwanakomana Wavo Anodiwa rwukubatsire kuwana zvikurusa nhungamiro yepamweya uye kunzwisisa izwi raBaba.
Tiri vanakomana nevanasikana vaMwari, vari kugoverana pamwechete nyika kure nemusha wedu wekudenga. Uhwu ndihwo upenyu hwedu hwapanyika, nguva yokugamuchira miviri yedu, kusarudza zvakanaka pamusoro pezvakaipa, “kuravira zvinovava, kuitira kuti tigoziva mutengo wezvakanaka” (Mosesi 6:55), kukudza rutendo rwedu muMuponesi wedu Jesu Kristu neRudzikinuro Rwake rwunoera uye togamuchira nokuteerera chirongwa chaBaba vedu cherufaro. Tiripano kuti tigonyanya kuva saBaba vedu Vokudenga.
Tisina ndangariro dzeupenyu hwedu tisati tazvarwa panyika, dzimwe nguva, tinonzwa kushuvira nyika yatakasiya kumashure. Baba vedu vakatipa chipo chezvepamweya kuti tirambe takabatanidzwa Navo uye kuti tigamuchire nhungamiro, rayiro uye nyaradzo kubva kwaVari. Tinoziva chipo ichi zvakanaka zvikuru; chinonzi munamato.
Namata kuna Baba Vako Vokudenga
Kuna Adama naEva uye nevose avo vakavatevera, ngirozi yakarayira, “Iwe uchatendeuka uye ugodaidza kuna Mwari muzita reMwanakomana narinhi narinhi wose” (Mosesi 5:8).
Jesu akadzidzisa kuti, “Kumbirai, muchapuwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa” (Mateo 7:7). “Pamunonamata, … namatai kuna Baba venyu … muchivande” (Mateo 6:6). “Muchitevedza tsika iyi naizvozvo imi namatai: Baba vedu muri kudenga, Zita renyu ngarikudzwe“ (Mateo 6:9).
Jesu akaramba achinamata kuna Baba Vake. Akabuda kuenda mugomo kunonamata, uye akanamata husiku hwose kuna Mwari” (Ruka 6:12). “Uye … akaenda mugomo kunonamata” (Marko 6:46). “Zvino vakasvika panzvimbo inonzi Getsemani: uye akati kuvadzidzi vake, Garai imi pano, ini ndinonamata” (Marko 14:32). Ari pamuchinjikwa, Jesu akanamatira mauto akaMurovera: “Baba, muvakanganwire; nokuti havazivi zvavanoita” (Ruka 23:34).
Magwaro matsvene anotirayira kuti “tinamate nguva dzose” (Ruka 21:36; 2 Nifai 32:9; 3 Nifai 18:15; Dzidziso neZvibvumirano 10:5; 19:38; 20:33; 31:12). “Taurirana naIshe muzviito zvako zvose, uye vanozokutungamirira kune zvakanaka” (Aruma 37:37). Pamusoro pazvo ”tinopa kutenda kwose uye nokurumbidza kwose uko mweya [wedu] wose une simba rokuva nako (Mosaya 2:20), tichiziva zvose izvo Baba vedu zvavanotiitira.
Mutungamiri Russell M. Nelson vakatsanangura kuti: “Kuzviremekedza pane zvepamweya kunotanga nekuziva kuti mangwanani matsva ega ega chipo chinobva kuna Mwari. … Vanotichengetedza zuva nezuva uye nokutitsigira kubva pane imwe nguva kuenda pane imwe (ona Mosaya 2:21).”
Nifai akati, “Kana mukaterera kuMweya uyo unodzidzisa munhu kunamata, munozoziva kuti munofanira kunamata; nokuti mweya wakaipa haudzidzisi munhu kunamata, asi unomudzidzisa kuti haafaniri kunamata” (2 Nifai 32:8).
Chikamu kubva muChrist Raising the Daughter of Jairus [Kristu Achimutsa Mwanasikana waJairosi], naGreg K. Olsen
Nemuenzaniso weMuponesi wedu uye rayiro yengirozi navaporofita nemumazana emakore, tinoziva zvakajeka kunamata zuva nezuva kuratidza ruvongo rwemaropafadzo edu, uye nokuchengeta munamato mumwoyo medu nguva dzose. Tine basa rokutaura naBaba vedu vari Kudenga.
Asi izvo zvinonyanya kushamisa ndezvokuti, Baba Vedu Vokudenga vanopindura minamato yedu. Mubvunzo wakadzama munyika yeupenyu hunofa ndewokuti, tinogamuchira nokunzwisisa sei zviri nani mhinduro, nhungamiro, uye nyaradzo zvinobva kuna Baba vedu?
Muupenyu hwangu hwemakore anodarika makumi manomwe, ndinoziva kuti Baba vedu vanotaura nesu. Hatisi tega. Vanhu vedenga vanotitaririra uye nokutibatsira apo patinotsvaga kutevera Muponesi.
Kugamuchira mhinduro kuminamato yedu kunotanga nerutendo rwedu muna Baba vedu Vokudenga neMwanakomana Wavo, Jesu Kristu. Jesu akati,“Usatya, tenda bedzi” (Marko 5:36). Tinovimba Mavari, tichiita zvose zvatinokwanisa kuchengeta mirairo uye nokutsvaga ruoko Rwavo muzvinhu zvose. “Uye hapana chimwe chinoita kuti munhu agumbure Mwari … kunze kweavo vasingabvumi ruoko rwavo muzvinhu zvose, uye vasingateereri mirairo yavo” (Dzidziso neZvibvumirano 59:21).
Ruoko rwaMwari muupenyu hwedu hazvirevi kuti Vanokonzeresa zvakaipa kana njodzi dzinotyisa dziri munyika medu. Zvisinei, zvinoreva kuti munguva dzekuomerwa nekusangana nezvisina ruenzaniso kwako, Vanozomira newe, vanozosimbisa kwaniso dzako, vanozokunyaradza, uye “vanozoropafadza matambudziko ako kuitira rupundutso rwako” (2 Nifai 2:2).
Inzwa Izwi Ravo
Apo patinova nerutendo maVari uye tichichengeta mirairo Yavo tinodzidza kunzwa izwi Ravo zvirinani.
Muna Gunyana wegore ra1993, gore rangu rekutanga seMutungamiri Mukuru, Mutungamiri James E. Faust (1920–2007), panguva iyi vakanga vari nhengo yeChikwata chaVaapositora vane Gumi naVaviri, vakakoka mudzimai wangu Kathy neni kuti tipinde navo munamato weshoko pfupi revhangeri weBrigham Young University. Rangarirai kuti, 1993 yaiva nguva iyo kuwanikwa kwakapararira kwenharembozha nenhaurirano dzepaindaneti kwakanga kusati kwavapo.
Muhurukuro yavo, yaiva nemusoro wenyaya waiti “The Voice of the Spirit [Izwi reMweya],” Mutungamiri Faust vakayambira kuti: “Muchizvarwa chenyu munozokurirwa nemazwi anobva kwakanyanya kuwanda achikuudzai mararamiro okuita, magutsiro okuita zvido zvenyu, uye mawaniro okuti muve nazvo zvose. Munozova nemachannel eterevhizheni anosvika kumazana mashanu anowanikwa nyore nyore. Kunozova nemhando dzakasiyana dzemapurogiramu ekushandisa pakombiyuta, mamodem anotumira mashoko kukombiyuta, databases [matura emashoko] uye mapeji emawebhusaiti ekunyora kana kutumira mashoko; kunozova nezvishambadzwi zvepakombiyuta, masateraiti anounza zvinoonekwa paterevhizheni uye manetwork enhaurirano anozokudzipai nehuwandu hweruzivo. … Izwi ramunofanira kudzidza kuteeresa izwi reMweya.“
Mutungamiri Boyd K. Packer (1924–2015), mutungamiri wechikwata cheVaapostora vane Gumi naVaviri, vakadzidzisa nezve izwi diki rakapfava reMweya pavairondedzera nezvakaitika kuna John Burroughs, nyanzvi yenhoroondo yezvisikwa, apo paaifamba neshamwari nemunzvimbo yakanga yakazara vanhu. Heano mashoko eMutungamiri Parker:
“Pamusoro peruzha rweupenyu hwemuguta [Baba Burroughs] vakanzwa rumbo rweshiri.
“Vakamira uye vakateerera! Avo vaiva navo vakanga vasina kurunzwa. Vakatarisa tarisa. Hapana mumwe akanga arwucherechedza.
“Zvakavanetsa kuti vamwe vese vangafanira kupfuurwa nechinhu chakanaka kudai.
“Vakatora mari yesimbi kubva muhomwe mavo vakaikanda mudenga. Yakarovera pasi neruzha rwaisambodarika rumbo rweshiri yavakanga vanzwa. Munhu wese akatendeuka; vakakwanisa kunzwa zvekurira kwemari yesimbi!
“Zvakaoma kupatsanura rumbo rweshiri kubva kuruzha rwese rwemuguta. Asi unokwanisa kurunzwa. Unokwanisa kurunzwa zvakajeka kana ukazvidzidzisa kurwuteerera.”
Dzidziso dzeMutungamiri Parker dzezveMweya Mutsevene dzakaitika muna 1979, munguva iyo upenyu pahwaiva hwakanyarara zvikuru uye ruzha rwemunyika parwaiva rwakadzikira zvikuru kudarika zvazviri parizvino.
Mutungamiri Nelson vakadzidzisa kuti, “Kana uri kuteyera nzeve zvakanyanya kuzvinhu zvinowanikwa panhaurirano dzepaindaneti kudarika zvaunoita kune kuzevezera kwemweya urikuzviisa panjodzi yezvepamweya.”
Mutungamiri Faust vakati, “Kana tiri tinozoterera kuizwi reMweya, isuwo tinofanira kuvhura nzeve dzedu, kutendeutsira ziso rerutendo kumanyuko eizwi racho, uye nokutarisa zvakasimba kudenga.”
Izwi reMweya iri rinouya zvese kupfungwa dzedu nekumanzwiro edu. ”Ndinozokuudza mupfungwa dzako uye nemumwoyo mako, kuburikidza noMweya Mutsvene, uyo uchauya pauri uye uyo uchagara mumwoyo mako” (Dzidziso neZvibvumirano 8:2). Teerera kuhana yako—zvakazarurwa nguva zhinji zvinotangira imomo.
Mukushanya kwavo kuGirls’ Home Boys’ Town Complex muguta reMarkina kuPhilippines, muna Kukadzi 2024, Gosa Andersen vakadzidzisa vechidiki kuti vana vaMwari: “Vanokudai. Uye munokwanisa kuteterera kwaVari. “Vanozonzwa minamato yenyu.”
Namatai neMwoyo inoratidza chitendero chenyu
Mhinduro nemanzwiro hazvikwanisi kumanikidzirwa. Tinonamata uye torindira nemwoyo inoratidza chitendero chedu. Dzimwe mhinduro hadzizouyi muupenyu huno, asi kune vakarurama, Ishe vanozotumira nguva dzose runyararo Rwavo (ona Johane 14:27). Mhinduro nguva zhinji dzinouya apo patinenge tichinamatira kubatsira avo vakatipoteredza. Pane dzimwe nguva, dzinouya ”mutsetse pamusoro pemutsetse uye rairo pamusoro perairo” (Dzidziso neZvibvumirano 98:12).
Femero youmwari inokwanisa kuuya kwatiri munguva dzisingatarisirwi uye munzvimbo dzisingatarisirwi, asi tinowana mikana yedu inonyanya kuoneka munzvimbo dzakanyarara uye munzvimbo dzinoera. Mukunyarara kweminamato nefungisiso yangu yerungwana‑ngwana, ndinowana maropafadzo asiri emazuva ose. Kuverenga kwemagwaro matsvene kwemunhu pachake, kwezuva nezuva, kusingakangaidzwi, kunyangwe dzimwe nguva kuchingova chiito chamazuva ose, kunounza izwi reMweya mumwoyo yedu semoto pane dzimwe nguva.
Pane dzimwe nguva, manzwiro anobva pane izvo chaizvo zvatinenge tichiverenga, uye pane dzimwe nguva, izvo zvatiri kufungisisa zvinounza mhinduro kuchimwe chinetso chakasiyana. Rangarirai mashoko aGosa Robert D. Hales: “Apo patinoda kutaura naMwari, tinonamata. Uye apo patinoda kuti Ivo vataure kwatiri, tinotsvakurudza magwaro Matsvene.”
Apo ruzha nezvikangaidzo zvenyika pazvinotenderera zvichitipoteredza, Ishe vakaraira muporofita Wavo kuti avake mamwe matemberi akawanda. Mudzimba dzaIshe dzinoera idzi, apo patinosiya matambudziko edu panze asi topinda neminamato uye zvinetso zvedu, tinodzidziswa zvokwadi zvokusingaperi.
Gore rakapfuura, Mutungamiri Nelson vakatipa chivimbiso chinoshamisa ichi: “Mabhuratha nemasisita angu anodiwa, heino vimbiso yangu. Hapana chinozokubatsira zvakanyanya kubatirira zvakasimba kudanda resimbi kupfuura kunamata mutemberi nguva nenguva sekutendera kunoita mamiriro ako ezvinhu. Hapana chinozokudzivirira zvakanyanya apo paunosangana nemhute dzerima dzepanyika. Hapana chinozosimbisa uchapupu hwako hwaIshe Jesu Kristu neRudzikinuro Rwavo kana kukubatsira kunzwisisa chirongwa chinoshamisa chaMwari zvakanyanya. Hapana chinozonyaradza mweya wako zvakanyanya munguva dzemarwadzo. Hapana chinozozarura matenga zvakanyanya. Hapana!”
Musangano Mukuru woga woga unounza mamwe maropafadzo akawanda. Mumwedzi urikutevera waKubvumbi, imwe nguva zvakare, tinozosangana mumusangano mukuru kuti tinzwe izwi raIshe. Tinouya kumusangano mukuru tichinge tanamata uye tagadzirira. Kumumwe nemumwe wedu kune zvinetso zvakakomba uye mibvunzo yemwoyo wose. Tinouya kuzovandudza rutendo rwedu muMuponesi wedu, Jesu Kristu, uye nokusimbisa kwaniso yedu yekukunda miyedzo. Tinouya kuzodzidziswa kubva kumusoro. Ndinokuvimbisai kuti apo pamunogadzirira nekuuya nemunamato kuzvikamu zvemusangano mukuru, munozonzwa mhinduro kuzvinetso zvenyu, uye munozoziva kuti “ruoko rwedenga” rwuri pamuri.
Ivai nerutendo kuti Baba venyu Vokudenga vari kutaura nemi. Chokwadi Varikutaura! Itai kuti rutendo rwenyu maVari neMwanakomana Wavo Anodiwa rwukubatsirei kuwana nhungamiro yepamweya uye nokunzwisisa hurudziro yaMwari. Ndinopupura kuti Varipo uye vanokudai kupfuura zvinokwanisa kutaurwa namashoko.
© 2025 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Liahona Message, March 2025. Shona. 19605 731