“Ini Ndinozovaporesa,” Liahona (Riahona), Kukadzi 2025.
Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona (Riahona), Kukadzi 2025
“Ini Ndinozovaporesa” ”
Hushumiri hwekuporesa hwaMuponesi isumo yehumwari uye vimbiso yekuporeswa kusingaperi kwepanyama uye kwemupfungwa uko kunozouya kune mumwe nemumwe wedu muKumuka Kuvakafa.
Ndichiri kurangarira zvakajeka dzimwe dzenzendo refu dzemundege dzandakaita munguva yeupenyu hwangu hwebasa sakaputeni wendege.
Munerumwe rwadzo, ndaisimuka muGermany nenguva dza11:00 mangwanani, uye ndomhara muCalifornia nenguva dza1:00 masikati pazuva rimwechetero. Tichienzanisa nguva dzekusimuka nekusvika dzemuno, zvingangoratidzika sokunge rwendo rwendenge uchiyambuka gungwa reAtlantic uye nenyika yeAmerica yoKuchamhembe rwaingotora maawa maviri chete. Boeing 747 yaimhanya, asi kwete kumhanya zvakadaro! Pachokwadi, zvaititorera maawa angangoita gumi nerimwechete, zvichienderana nemhepo, kufamba mamaira 5,600 (makiromita 9,000).
Nokuti taibhururuka tichienda kumadokero, zuva raiva risingambodoki munguva yerwendo rwedu. Taiva nechiedza chezuva murwendo rwose kubva kuGermany kusvika kuCalifornia.
Kudzokera kuGermany, zvisinei, yakanga iri imwe nyaya yakasiyana zvachose. Kunyangwe apo pataisimuka pakutanga kwemasikati, pataibhururuka tichienda kumabvazuva, kudoka kwezuva kwaikurumidza kuuya kudarika zvakwaiwanzoita, uye nenguva isipi, usiku hwainge hwatikomberedza.
Munzendo refu idzi dzemudenge, mweya wangu kazhinji waizadzwa nekushamiswa apo pandaifungisisa nezverunako rwepanyika pano uye hurongwa hwezvisikwa zvaMwari. Kunyangwe apo pataibhururuka usiku, murima gurusa, ndaiziva zvechokwadi kuti zuva raizobuda zvakare, kuti chiedza chakajeka chaizodzoka uye chounza kudziya neupenyu kuzuva idzva rwendo rwedu rwusati rwaguma. Mamiriro ezvinhu erwendo rwangu rwemundege angangova airatidzika sokuti zuva raidoka zvishoma nezvishoma kana kuti nokukurumidza zvikuru, asi ndaiziva kuti zuva raiva risingashanduki, risingazungunuki, uye rakavimbika mumatenga.
Ndinonzwa zvimwechetezvo pamusoro paMwari. Nokuda kwokuti ndine chokwadi chakadzama cheungwaru hwaMwari uye chinangwa chavo chezvisikwa Zvavo zvose, ndinokwanisa kunzwa tariro ine mufaro uye runyararo rusingaperi apo pandinofunga pamusoro peupenyu hwedu hunofa. Tiri vana vaMwari. Vanotida Vanoziva mamiriro ezvinhu edu. Vakagadzirira kubatsira. Zvokwadi izvi hazvishanduki, kunyangwe apo zvimwe zvinhu zvakatikomberedza pazvinoratidzika sezvisina kugadzikana uye sezvinoshanduka nguva dzose.
Tose tinosangana nenguva dzezvinetso, rusuwo, uye dzokusava nechokwadi idzo dzinokanganisa runyararo rwedu. Ndinotenda zvikuru nokuda kwemanyuko akavimbika uye ezvirokwazvo echokwadi nechiedza (ona Dzidziso neZvibvumirano 88:6–11). Jesu Kristu ndiye chiedza neupenyu hwapanyika. Nokuda Kwake uye nokuzvipira Kwake kwerudzikinuro, tine tariro yeramangwana, tinowana chiedza chehumwari chinojekesa mazuva anezvinetso erwendo rwedu, uye vimbiso yekukunda pokupedzisira chivi nerufu.
“Anoda Nyika”
Jesu Kristu ndiye chete aiva munhu mutsvene akambofa akafamba panyika pano. Nokuda kweupenyu Hwake hwakarurama, Akanga asina chikwereti kuruenzaniso. Nokuda kwerudo kwatiri, Akapira upenyu Hwake kuitira mumwe nemumwe wedu pachake uye kuitira kuti vana vose vaMwari pamwechete vagozarura musuwo wokuupenyu hwusingafi uye hwokusingaperi.
Zvisinei nezvingada Satani kuti titende kwazviri, hapana mumwe wedu ari kuresa nekwaniso yeMuponesi yokutinunura. Hakuna mumwe wedu asina kodzero yenyasha yeruregerero. Hakuna mumwe wedu asingakwanisi, “kukomberedzwa nokusingaperi mumaoko orudo rwake” (2 Nifai 1:15).
Ichi chikurusa chezvipo zvose chinobva musimba rinopa kwaniso uye rerununuro reRudzikinuro rwaJesu Kristu. Nokuda kwokutambura kweMuponesi muGetsemani uye napaGorgota, Anoziva maponesero okutiita kubva kuutera hwedu uye nokutibatsira nemuutera hwedu hwose uye hwupi zvahwo (ona Aruma 7:12).
“Hapana chaanoita kunze kwokunge chiri chepundutso yenyika; nokuti anoda nyika, kunyangwe zvokuti akapa upenyu hwake pachake kuti agokwevera vanhu vose kwaari” (2 Nifai 26:24).
Jesu Kristu ndiye simba redu!
Anopa rubatsiro nerutsigiro.
Anodzorera
Anosunungura
“Apo Muponesi [paakapa kuzvipira Kwake kwerudzikinuro] kuvanhu vose, Akazarura nzira yokuti avo vanoMutevera vakwanise kuwana simba Rake rokuporesa, rokusimbisa, uye rokununura,” vakadaro Mutungamiri Russell M. Nelson.
Simba iroro, sezuva, riripo nguva dzose. Harimbofi rakazununguka. Sarudzo yokutevera muenzaniso weMuponesi yakafanana nokufamba tichibuda murima uye topinda muchiedza, umo matinokwanisa kugamuchira maropafadzo echiedza, kudziya, nerudo zvaMwari. Ndinoziva kuti nerimwe zuva, tinozotarisa kumashure uye tozadzwa neruvongo rwokuti takaita sarudzo yakakosha yokusingaperi yokuvimba naJesu Kristu nerudo Rwake rwehumwari rwokutisimudzira nokutisimbisa.
“Dzokai kwaNdiri”
Bhuku raMormoni rinotaura nezve vanhu vakapedza mazuva matatu murima gurusa rakatevera Kuroverwa Pamuchinjikwa kweMuponesi. Rima repanyama rakavakomberedza rinokwanisa kuva mucherechedzo werima rezvepamweya iro isu tose ratinosanagana naro nokuda kwechivi. Zvino vanhu vakanzwa inzwi raKristu richivakoka kuti vabude murima uye vapinde muchiedza Chake:
“Hamungachidzoki kwandiri zvino here, uye motendeuka pazvivi zvenyu, uye motendeutswa, kuitira kuti ndigokuporesai?” (3 Nifai 9:13).
“Pirai chibairo kwandiri chomwoyo wakatyoka nemweya wokudemba” (3 Nifai 9:20).
“Tendeukai uye mudzoke kwandiri nechinangwa chizere chomwoyo” (3 Nifai 10:6).
Muponesi anopa kokero dzimwechetedzo kwatiri nhasi apo patinozviwana tarashika murima. Sezvazviri kuti kubuda kwezuva kwoga kwoga chiratidzo chokutanga kwezuva idzva, nguva yoga yoga yatinotendeuka, tinowana mavambo matsva, mavambo matsva akajeka.
Izvi hazvirevi kuti zvirinyore. Rutendeuko runoreva shanduko, uye shanduko haiitiki nokukurumidza. Apo pakuine mufaro, kutendeuka kunosanganisira “rusuwo rwoumwari” (2 VaKorinte 7:10). Kunoda kuti tibvume uye tireurure zvikanganiso zvedu, tichikumbira ruregerero kuna Mwari uye kuna avo vatingange takakanganisira. “Pamusoro pezvose, kunoda kuti titsvage “Mweya waIshe Vamasimba Ose,” kuti tigowana “rushanduko rwukuru … mumwoyo yedu, zvokuti tinenge tisisina chido chokuita zvakaipa, asi kuita zvakanaka nguva dzose” (Mosaya 5:2).
Rudzi irworwo rweshanduko rwendo rurefu, asi paunongotora danho rekutanga, “zuva roruponeso rwako ” rinotanga, uye “pakarepo chirongwa chikuru cherudzikinuro chichaunzwa kwauri” (Aruma 34:31).
Kuburikidza norutendeuko rwedu rwechokwadi, Mwari vanovimbisa kuregerera nokusazorangarira zvivi zvedu zvakare. Kana tichinetseka kukanganwa zvivi zvedu, ngatiedzei kuvimba nevimbiso yaIshe yekuregerera uye todzidza kuregerera vamwe uye isu pachedu.
“Mweya yedu inokuvadzwa apo patinoita zvikanganiso uye nokuita zvivi,” vakadzidzisa Mutungamiri Boyd K. Packer (1924–2015). “Asi kusiyana nenyaya yemiviri yedu inofa, apo nzira yerutendeuko painenge yapera, hapana mavanga anosara nokuda kweRudzikinuro rwaJesu Kristu.”
Healing the Blind Man [Kuporesa Murume Bofu], naCarl Heinrich Bloch
“Vaunzei Kuno”
Muponesi ndiye Muporesi Mukuru. Chimwe chezviratidzo zvakanakisisa zvesimba Rake rokuporesa chinowanikwa muBhuku raMormoni, munyaya yehushumiri Hwake pachake muAmerica yechinyakare:
“Ko mune vanorwara here pakati penyu?” Akabvunza. “Vaunzei kuno. Mune zvirema here, kana mapofu, kana vanokamhina, kana vakaremadzwa, kana vane maperembudzi, kana avo vakaoma mitezo, kana matsi, kana avo vanotambura nenzira ipi zvayo? Vaunzei kuno uye ndinozovaporesa, nokuti ndine mutsa pamuri; ura hwangu huzere nengoni. …
“Uye zvakaitika kuti apo paakanga ataura kudaro, mhomho yavanhu yose, vari pamwechete, vakaenda nevarwere vavo nevaitambura vavo, nezvirema zvavo, namapofu avo, nembeveve dzavo, uye neavo vose vaitambura nenzira ipi zvayo; uye akavaporesa vose apo pavaiunzwa mberi kwaari.” (3 Nifai 17:7, 9).
Nguva yose apo Muponesi paaiporesa munhu upi zvake “aitambura nenzira ipi zvayo,” zvose asati uye mushure moKumuka Kwake Kuvakafa, hwaiva uchapupu hwesimba Rake gurusa rokuporesa mweya yedu. Kuporeswa kwoga kwoga kunoshamisa kwaiva sumo uye vimbiso yokuporeswa kwepanyama nekwemupfungwa kusingaperi uko kunozouya kune mumwe nemumwe wedu muKumuka Kuvakafa, uko “kunova chiito chaIshe chokupedzisira chekuporesa.”
Ichokwadi kuti minamato yedu yekuporeswa muhupenyu hwuno haisi inopindurwa nguva dzose nenzira yatinotarisira, asi haimbofi yakafuratirwa. Nguva yekuporesa inozouya, seizvo zvinongoitika nguva dzose kuti rima reusiku rinobva—panguva yakakodzera—kuti zuva rinobwinya ribude.
Sokupupura kwaMutungamiri Nelson: “Rutendo rwedu harumbofi rwakarega kukosheswa. Ndinoziva kuti maonero aBaba Vokudenga vane ungwaru hwose akakura kupfuura edu. Apo patinoziva nezve matambudziko namarwadzo edu eupenyu hunofa, Vanoziva nezve kufambira mberi kwedu kweupenyu husingafi uye kwekwaniso yedu. Kana tikanamatira kuziva chido Chavo uye tozviisa pasi pacho nemwoyo murefu uye neushingi, kuporeswa kwekudenga kunokwanisa kuitika nenzira uye nenguva Yavo pachavo ”
Munguva pfupi yapfuura iyo mudzimai wangu, Harriet, neni takasanganisira muminamato yedu tariro neteterero yakakosha muchinzvimbo chavamwe vatinoda. Takanamata kuti chikwata chevarapi vavo vezveutano chipuwe kwaniso yakakosha yokurapa zvirwere zvavo. Takanzwa kufemerwa kuwedzera kuti kunyangwe kana kurapwa kana kupora kwepakarepo kukasaitika, simba rokuporesa roMuponesi rizovaunzira nyaradzo norunyararo. Kuporeswa kwesimba rerununuro reMuponesi kunokwanisa kuva neshanduro hurusa pautano hwedu hwepfungwa, hwezvepamweya, uye kunyangwe hwepanyama kupfuura mushonga wepanyika upi zvawo watingagamuchira. Jesu Kristu ndiye Muporesi muupenyu hwuno uye nokusingaperi.
Mabhuratha namasisita angu, shamwari dzinodiwa, ndinopupura kuti ngoni dzeMuponesi wedu dzakakwana kuporesa maronda enyu, kukushanangurai kubva kuchivi, kukusimbisai kuitira miedzo ichauya, uye kukuropafadzai netariro, ungwaru, uye nerunyararo Rwake. Simba Rake rinogara riripo—harishanduki uye rakavimbika—kunyangwe apo isu, kwechinguva, patinonzwa kuva kure nerudo, chiedza, uye nokudziya Kwake.
Ndinonamata kuti hatizombofi takarashikirwa nepfungwa yedu yokushamiswa uye yeruvongo rukurusa rweizvo zvose Jesu Kristu zvaakatiitira. Ndapota zivai kuti munodiwa zvakarurama, uye yeukai zvamakavimbiswa nokusingaperi.
“Mwari ngavakuropafadzei kuti mitoro yenyu igova yakareruka, kuburikidza nemufaro weMwanakomana Wavo,” Jesu Kristu (Aruma 33:23).
© 2025 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Liahona Message, February 2025. Shona. 19609 731