2025
Mashoko Akanaka eRudo neMufaro
Ndira 2025


“Mashoko Akanaka eRudo neMufaro,” Liahona (Riahona), Ndira 2025.

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona (Riahona), Ndira 2025

Mashoko Akanaka eRudo neMufaro

Maropafadzo ekuDzorerwa anofanira kufadza mwoyo yedu uye otizadza neruvongo rwerudo rukuru rwaMwari.

chifananidzo chengirozi Moronai pazuva rovira

Shoko redu retariro nerunyararo kune vose nderekuti Jesu Kristu anorarama uye akadzorera vhangeri Rake neChechi Yake mumazuva ano ekupedzisira.

“Zvinhu izvi zvinoshamisa zvisingatsananguriki zvakadii kuvanhu vose!” Muporofita Joseph Smith akadaro. “Zvechokwadi anogona kuonekwa semashoko emufaro mukuru kuvanhu vose, uye mashoko, zvakare, anofanira kuzadza nyika uye nokufadza mwoyo wemunhu wose apo paanoanzwa munzeve dzake.”

Kwemazana emakore mushure mehushumiri hwepanyika hweMuponesi, vana vaMwari vakamutsvaga uye vakashuvira kuwana chimwe chiedza nechokwadi. Zvino mashoko akanaka evhangeri raJesu Kristu uye noKudzorerwa kuri kuenderera zvinoenda mberi kuropafadza vanhu vose uye nokugadzirira nyika kuzuva iro Jesu Kristu raanozodzoka “kuzotonga saMambo waMadzimbo uye nokutonga saIshe wamaDzishe.” Iyi iratidzo hurusa yerudo rwusingagumi rwaBaba Vokudenga neMuponesi wedu. Ndinofara kuti ndinokwanisa kupedza upenyu hwangu ndichiparidza chokwadi ichi kunyika yose.

Zvisingafungidzirwe uye Zvinoshamisa

Mavambo matsva akavapo kumhuri yevanhu muchisango chemiti, umo Mwari Baba neMwanakomana Wavo, Jesu Kristu, mavakazviratidza uye vakataura kuna Joseph Smith mumhinduro kumunamato waJoseph wechidiki pamusoro pekuti ichechi ipi yaaifanira kupinda (ona Nhoroondo—yaJoseph Smith 1:14–20). Jesu Kristu akaudza Joseph Smith kuti asapinda ipi zvayo chechi. Akavimbisa kuti kuzara kwevhangeri Rake kwaizozarurwa kuna Joseph muneramangwana.

Kuvanhu vazhinji, Joseph airatidzika kusambova munhu angadaidzwa kubasa rakakosha kudaro, uye vaiva vari pachokwadi. Aiva mukomana asina kudzidza uye asingakoshi aibva kupurazi diki mudhorobha raiva risingazivikanwi. Sezvakataurwa nevamwe nezve Muponesi munguva Dzake, “Kune chinhu chakanaka chingabva Nazareta here?” (Johane 1:46), vazhinji vainetseka kuti chii chinhu chakanaka chaikwanisa kuuya kubva pamukomana ane makore gumi nemana asina kudzidza muPalmyra, New York. Asi kuburikidza naJoseph—kunyangwe airatidzika semunhu asingambokodzeri—Mwari Baba naIshe Jesu Kristu vaizounza kuitika kwezvinoshamisa zvechokwadi. Chiitiko ichi chinotiunzira tariro yekuti nemunzira yedu yakareruka uye yakaninipa, tinokwanisawo kubatsira nenzira dzakakosha kubasa raIshe.

Pakupedzisira, Ishe, vakadaidza Joseph “vakataura kwaari kubva kudenga, uye vakamupa mirairo” (Dzidziso neZvibvumirano 1:17). Joseph akagamuchira zvakazarurwa zvakakosha nedzidziso dzakakosha zvakaunza chiedza chitsva kunzwisiso yedu yechirongwa chine rudo chaBaba Vokudenga uye rununuro rwune rudo rwaJesu Kristu nesimba rorudzikinuro rwekuzvipira Rwake. Chishamiso ndechekuti, mashoko akanaka aya akauya panguya chaipo apo kufambira mberi mune zvekufambisa, zvenhaurirano, uye nedzimwe nzvimbo zvaizobvumira chiedza chaMwari kuti chipenye mberi kuropafadza vamwe vazhinji vevana Vavo.

Moroni achipa mahwendefa egoridhe kuna Joseph Smith.

The Angel Moroni Delivering the Plates to Joseph Smith [Ngirozi Moronai Ichipa Mahwendefa kuna Joseph Smith], naC. C. A. Christensen

Umboo Hwakasimba hweRudo rwaMwari

Kuzviratidza kwengirozi Moronai kuna Joseph Smith kwaiva kwakakosha maererano noKudzorerwa uye noumboo hwakasimba hwerudo rwaMwari. Moronai akataurira Joseph nezverondedzero, yakanyorwa pamahwendefa egoridhe, akavigwa pedyo (ona Nhoroondo—yaJoseph Smith 1:33–34). Pakupedzisira, Joseph aizopuhwa “simba kubva kudenga” (Dzidziso neZvibvumirano 20:8) kuti adudzire rondedzero iyoyo kuita iro rakazova Bhuku raMormoni, iro rakakosha zvakaenzana neBhaibheri uye rinova imwe testamente yaJesu Kristu.

Mubhuku raMormoni mose, tinoverenga nezvevanhu avo, mazana emakore Kristu asati auya, vaiziva uye vakafanotaura nezvekuuya Kwake uye vakazvishuvira. Tinowanawo tsananguro inoshamisa yekuzviratidza nehushumiri pakati pavaNifai hweMuponesi akamuka kuvakafa, panguva apo paAkakoka vose kuti vauye kwaAri uye vaise maoko vabate vanga murutivi Rwake nemavanga ezvipikiria muzvanza netsoka Dzake ( ona 3 Nifai 11:141–5). Akaporesa vanorwara, zvirema, mapofu—”vose vairwadziwa nenzira ipi zvayo—uye zvino akaropafadza vana vaduku uye akavanamatira (ona 3 Nifai17:7–9, 21). Tinodzidza zvakawanda pamusoro perudo netsitsi zveMuponesi kubva kutsananguro inoera iyi.

Bhuku raMormoni rinopupura kuti “Jesu ndiye Kristu.” Vimbiso dziri muBhuku raMormoni dzinotieuchidza kakawanda kuti Baba Vokudenga neMuponesi wedu vanotida kupfuura chimwe chinhu chipi zvacho chatingafungidzira.

Maropafadzo eHupirisita uye eChechi

Kudzorerwa kwakaenderera mberi nekuzviratidza kwevamwe vatumwa vokudenga kuna Joseph Smith. “Johane muBhabhatidzi akamutswa kuvakafa akadzorera mvumo yekubhabhatidza kuburikidza nekunyikwa zvakazara kuitira ruregerero rwezvivi. Vatatu veVaapositora vane gumi nevaviri vekutanga—Petro, Jakobo, naJohane—vakadzorera huapositora nemakiyi emvumo yehupirisita. Vamwe vakauyawo, kusanganisira Erija, uyo akadzorera mvumo yekubatanidza mhuri pamwechete nariinhi nariinhi muukama hwokusingaperi hunodarika rufu.”

Muna Kubvumbi 6,1830, Jesu Kristu akamisa kuburikidza neMuporofita Joseph chechi yaiva nemutoo mumwechetewo sechechi yaAkaronga munguva dzeTestamente Itsva (ona Misimboti yeChitendero 1:6), yakavakwa “nenheyo dzavaapostora navaporofita, Jesu Kristu amene ari ibwe rapakona” (VaEfeso 2:20). Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira inoita kuti maropafadzo esimba rehupirisita rakadzorerwa awanikwe kune vose vana vaMwari vanozvigadzirira kurigamuchira.

Sokudzidzisa kwatakaitwa naMutungamiri Russell M. Nelson, tinokwanisa kuwana mufaro murutendeuko zuva roga roga apo patinotendeukira kuna Baba Vokudenga neMuponesi wedu. Kuna ani nani zvake anonzwa akasuwa kana kusava akarurama kana kusava webwo: vose vanokokwa kuti vauye kuna Kristu neChechi Yake. Chechi haizi nzvimbo yevakarurama asi chipatara chevanorwara. Gosa Dieter F. Uchtdorf veChikwata cheVaapositora vane Gumi neVaviri vanotiyeuchidza kuti “hatiuyi kuchechi kuzovanza matambudziko edu asi kuzoaporesa.”

Kuchechi tinowana mufaro mumikana yekuzadzisa zvidikanwi zvevamwe, kushandira vamwe nerudo, uye kugovera zviitiko zvedu pachedu nehukuru hwerunako rwaKristu. Tinokwanisa “kuverengerwa pakati pevanhu vechechi yaKristu” uye “tigoyeukwa nokugutswa neshoko rakanaka raMwari” (Moronai 6:4). Iropafadzo rakanakisa sei iroro!

Chikonzero cheMufaro Mukuru

Muporofita Joseph Smith vakambotaura kuti, “Zvino, chii chatinonzwa muvhangeri iro ratakagamuchira? Inzwi remufaro! Inzwi rengoni rinobva kudenga: uye inzwi rechokwadi rinobuda kubva pasi; mashoko akanaka avakafa; inzwi remufaro ravapenyu navakafa; mashoko akanaka emufaro mukuru” (Dzidziso neZvibvumirano 128:19).

Aya mashoko akanaka emufaro akauya nokuda kwekuti Baba Vokudenga neMwanakomana Wavo anodiwa, Jesu Kristu, vanotida uye vanoda—kupfuura chinhu chipi zvacho—kutigamuchira zvakare pamberi Pavo, kuti tive nerudzi rwoupenyu hwaVanorarama nariinhi nariinhi. Kudzorerwa kunoratidza kuti Vakaita zvose zvinodikanwa kuti izvi zvive kwaniso inoshamisa kwatiri tose. Murwendo rwedu rwekusingaperi, tinozosangana nemiedzo nematambudziko, asi “[isu] tiripo, kuti [tive] nemufaro” (2 Nifai 2:25) muupenyu huno nehunotevera. Muporofita Joseph aiziva izvi zvirinani kupfuura vanhu vazhinji.

Joseph akasangana nerupikiso uye rutambudzwo kakawanda, asi akaramba aine “hunhu hwake hwomusikirwo hwokufara” (Joseph Smith—Nhoroondo 1:28). Akaramba achifara, akasimba, uye akatsunga, uye akazadzikisa basa rinoshamisa raakanga apuhwa kuti aite. Ndinopa rumbidzo kuVatendi vekutanga vose vakatenda, vakatsigira, uye vakatevera Muporofita Joseph Smith uye vakazvipira kuvaka Chechi. Tine chikwereti chikuru kwavari cheruvongo nerukudzo.

Zvaiva zvakaoma, mumazuva ekutanga eChechi, uye zvinokwanisa kuva zvakaomawo nhasi. Asi Kudzorerwa kuri kuenderera mberi. NaJesu Kristu ari kumusoro kweChechi ino, vaporofita vanorarama vanozoenderera mberi nekutitungamirira. Dzimba dzaIshe dzinozoramba dzichivakwa, kuitira kuti maropafadzo ezvibvumirano zvekusingaperi naMwari agotisunganidza kwaVari nekune vadikani vedu kumativi ose echidzitiro (ona Mateo 16:19). Rudo rwaMwari naJesu Kristu runozofukidza pasi rose apo patinotevera rairo yeMuponesi yekupa kudya kumakwai Ake uye nekugovera vhangeri Rake. Tinozoona zvokwadi zveKudzorerwa zvichienda mberi nenzira uye nokunzvimbo dzaiva dzisina kana nepadiki kumbofungidzirwa kuti dzingaenda munguva dzaJoseph.

Tinokwanisa kuwana simba nemufaro mukuru—sezvakaita Muporofita Joseph—apo patinogamuchira uye nokurarama zvokwadi zvakakosha izvi. Daidzo yakaitwa naJosefa kuVatendi munguva dzake inoenderera mberi nesu nhasi: “Torega here kuenderera mberi nechinangwa chikuru zvakadai? Endai mberi kwete kumashure. Shingai, … uye ngatiendererei mberi, kusvika kurukundo! Mwoyo yenyu ngaifare, uye ive inofara zvikurusa” (Dzidziso neZvibvumirano 128:22).

Mashoko anofadza erudo nemufaro ayo anounzwa neKudzorerwa agoropafadza nekutungamirira upenyu hwedu—iyezvino uye nenguva dzose.

Manotsi

  1. Teachings of Presidents of the Church: Joseph Smith (2007), 152.

  2. Kristu Anorarama: Uchapupu hweVaapositora,” (Raibhurari yeVhangeri).

  3. Ona Saints: The story of the Church of Jesus Christ in the Latter Days, vol. 1, The Standard of Truth, 1815–1846 (2018), 16

  4. Peji yemusoro wenyaya yeBhuku raMormoni

  5. Kudzorerwa kweKuzara kweVhangeri raJesu Kristu: Chiziviso kuNyika cheMhemberero yeMakore Mazana Maviri,” (Raibhurari yeVangeri).

  6. Ona Russell M. Nelson, “The Power of Spiritual Momentum,” Liahona, Chivabvu 2022, 98

  7. Dieter F. Uchtdorf, “On Being Genuine,” Liahona, Chivabvu 2015, 83.