2016
Mwari Vakataura Kwandiri kuburikidza neNhaurwa yeMusangano
Kubvumbi 2016


Vechidiki

Baba Vekudenga Vakataura Kwandiri kuburikidza neNhaurwa yeMusangano.

Munyori anogara muFortaleza, Brazil.

Ndaiva nekusatendeseka pamusoro pezvandaifanira kudzidzira paYunivhesiti. Vanhu vazhinji vaitaura zvakaipa pamusoro pekosi yandaida kutora, saka ndakanamata kuna Ishe kuti ndione kana Vaibvumirana nesarudzo yangu (yekutora kosi yacho).

Mhinduro yangu yakauya zuva rakatevera apo pandaiverenga nhaurwa yemusangano mukuru mu Liahona. Ndakanzwa sekunge Baba Vekudenga vaindiudza kuti Havaikwanisa kundisarudzira—iyi yakanga iri sarudzo yandaifanira kuita ndega. Ndakaziva kuti zvisinei nekuti ndezvipi zvandaizosarudza, ndaifanira kuzoshanda zvakasimba kuti ndibudirire.

Ndinoziva kuti munamato wangu wakapindurwa. Kusimbisa kweMweya Mutsvene kwakandibatsira kuita sarudzo. Ndakadzidza kuedza zvakasimbisisa uye kuziva kuti Baba Vekudenga vanozondibatsira