2016
Vanasikana vaBaba Vedu Vekusingaperi
Kubvumbi 2016


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Kubvumbi 2016

Vanasikana vaBaba Vedu Vekusingaperi

Nemunamato dzidza chinyorwa chino uye wotsvaga kuziva izvo zvekugovera. Kunzwisisa “Mhuri: Chiziviso kuNyika” kunozowedzera sei rutendo rwako muna Mwari nekuropafadza avo vaunotaririra kuburikidza nedzidziso yekushanyirana? Kuwana rumwe ruzivo, enda ku reliefsociety.lds.org.

Chiratidzo cheSimbiso cheChita cheRubatsiro

Ruvimbo, Mhuri, Rubatsiro

Magwaro matsvene anotidzidzisa kuti “tiri rudzi rwaMwari” (Mabasa aVaapositora 17:29). Mwari vakataura kuna Emma Smith, mudzimai waJoseph Smith, se “mwanasikana wangu” (D&Z 25:1). Chiziviso cheMhuri chinotidzidzisa kuti mumwe nemumwe wedu “mweya unodikanwa … mwanasikana wevabereki vekudenga.”

“Muhumambo [hwekudenga hwenyama husati hwavapo], takadzidza nezve hunhu hwedu hwehukadzi hwekusingaperi,” akadaro Carol M. Stephenes, mutevedzeri wekutanga muhutungamiri hukuru hwemuChita cheRubatsiro.

“Rwendo rwedu kunyika rweupenyu hunofa haruna kushandura zvokwadi izvozvo.”

“Baba vako vari Kudenga vanoziva zita rako uye vanoziva mamiriro ezvinhu ako,” vakadaro Gosa Jeffrey R. Holland veChikwata cheVaapositora vaneGumi neVaviri. “Vanonzwa minamato yako. Vanoziva tarisiro dzako nezvido zvako, uyewo zvaunotya nezvinokushatirisa.”

“Mumwe nemumwe wedu inhengo uye anodiwa mumhuri yaMwari,” vakadaro Sisita Stephens. “Mhuri dzose dzepanyika hadzina kufanana. Uye kunyange tichiita zvose zvatinokwanisa kumisa mhuri dzina baba, amai nevana vavo, hunhengo mumhuri yaMwari hauende nemamiriro erudzi rupi zvarwo—kuti wakachata here, kuti uri mubereki here, mamiriro eupfimi hwako, mamiriro ako emunzvimbo maugere, kana kunyange rudzi rwemamiriro ezvatinoshambadza panhau dzepaindaneti.”

Zvimwe Zvinyorwa Zvitsvene

Muporofita Jeremia 1:5; VaRoma 8:16; Dzidziso neZvibvumirano 76:23–24

Kubva muNhoroondo Yedu

Munyaya yake yeChiratidzo Chekutanga, Muporofita Joseph Smith vanozadzisa zvokwadi zvizhinji—kusanganisira chokwadi chekuti Baba vedu Vekudenga vanoziva zita redu.

Joseph mudiki akatambudzika kuziva kuti ndeipi chechi yekupinda uye akawana nhungamiro munaJakobo 1:5. Joseph akasarudza kuti aizobvunza Mwari.

Rumwe rungwanani rwenguva yepfumvudza muna 1820, akaenda muchitondo kunonamata asi akakurirwa pakarepo nerimwe simba rakaipa. Maererano nechiitiko ichi akanyora kuti:

“Ipapo pachinguva ichi chekutya kukuru, ndakaona murazvu wechiedza uri nechepamusoro pangu chaipo, uchipenya kupfuura kupenya kwezuva, uyo wakadzika zvishoma nezvishoma kusvika wave pandiri.

“Pasina nguva, ndakabva ndaona ndatobviswa pamuvengi uyo akanga akandisunga. Chiedza pachakamira pandiri ndakaona Vanhu vaviri, avo kupenya kwavo nekubwinya kwavo kunokunda tsananguro yose, vakamira nechepamusoro pangu mumhepo. Mumwe wavo akataura kwandiri, achindidaidza nezita rangu uye akati, achinongedzera kune mumwe—Uyu Mwanakomana Wangu Wandinoda. Munzwe!”” Nhoroondo—yaJoseph Smith 1:16–17).

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. “The Family: A Proclamation to the World,” Liahona, Mbudzi 2010, 129.

  2. Carole M. Stephens, “The Family Is of God,” Liahona, Chivabvu 2015, 11.

  3. Jeffrey R. Holland, “To Young Women,” Liahona, Mbudzi 2005, 28.

  4. Carole M. Stephens, “The Family Is of God,” Liahona, Chivabvu 2015, 11.

  5. Ona Misoro yeNyaya yeVhangeri, “First Vision Accounts,” topics.lds.org.

Funga Izvi

Kuziva kuti uri mwanasikana waMwari kunoshandura sei sarudzo dzako.