Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Ndira 2026
Famba Neni
Dingindira reVechidiki ra2026 rinozobatsira kukuyeuchidza kuti apo paunogara pedyo naMwari, Vanozofamba newe—nguva dzose.
Kubva kuruboshwe kuenda kurudyi: Tamara W. Runia, Mutevedzeri Wokutanga; Emily Belle Freeman, Mutungamiri; naAndrea Muñoz Spannaus, Mutevedzeri Wechipiri
Hausi Wega
Wakambokumbirwa kuita chimwe chinhu chausina kumbofungidzira kuti unokwanisa kuita here? Pamwe hauna kunzwa kuti wakasimba zvakakwana kana kuti wakachenjera zvakakwana, kana kuti wainetsekana kuti vamwe vanozokuseka kana kukushoropodza. Kana wakambonzwa nenzira iyi, hausi wega.
Muzviuru zvemakore apfuura, kwaive nemurume ainzi Enoki. Mwari vakakumbira Enoki kuti aparidze rutendeuko kuvanhu—vamwe vevanyangadzi vakurusa vakanga vakamboonekwa nenyika.
Enoki haana kufunga kuti aikwanisa kuzviita. Akaudza Mwari kuti akanga arimudokosa, hapana aimuda, uye aiva “asingangoni kutaura zvakanana” (ona Mosesi 6:31).
Asi Mwari vakapa Enoki vimbiso. Vakataurira murume aitya uyu kuti, “Enda mberi uye unoita sezvandakuraira” uye “makomo achatiza pamberi pako, uye nzizi dzichatsauka kubva munzira dzadzo; uye iwe uchagara mandiri, uye ini mauri; naizvozvo famba neni” (Mosesi 6:32, 34).
“Famba neni.” Kokero yakareruka, uye yakanaka zvikuru.
Mwari vakavimbisa Enoki kuti kana akazova nehushingi hwakakwana kuti atange, zvino Mwari vaizova naye munhanho dzose dzenzira. Mwari vaizoita kuti Enoki ave nesimba uye vaizomusimbisa kuti aite zvakawanda uye vomubatsira kuti ave nekwaniso inopfuura zvaangambofa akafungudzira.
Rimwe remazita akawanda eMuponesi rinonnzi Emanueri, kana kuti “Mwari vanesu” (Mateo 1:23). Zviri muzita uye nemumusikirwo waIshe kufamba nesu. Sarudzo ndeyedu isu—tinozofambawo Navo here?
Nhasi uno, tinotarisa kuna Enoki semurume werutendo uye semuporofita nemutungamiri mukuru. Asi kusati kwava namuporofita Enoki, kwaiva naEnoki wechidiki uye aiva asina chokwadi nemaari asi akasarudza kufamba naMwari.
Apo upenyu pahunenge hwakaoma, apo paunonzwa kusava nezvidikanwi zvose, rangarira chivimbiso chaIshe kuna Enoki, uye kwauri. Vanozofamba newe. Havazokusiyi uriwega, kana kwenhanho imwechete zvayo.
Emanueri. Mwari vanesu. Mwari vanewe!
Vatungamiri Vakuru veVasikana veChidiki
Kubva kuruboshwe kuenda kurudyi: David J. Wunderli, Mutevedzeri Wokutanga; Timothy L. Farnes, Mutungamiri; naSean R. Dixon, Mutevedzeri Wechipiri
Norubatsiro Rwavo, Unokwanisa Kuita Zvinhu Zvose
Semi vakomana vechidiki, Ishe vakakumbira Enoki kuti azadzikise mabasa akakosha ehupurisita. Basa rake raiva rokuparidza rutendeuko kuvanhu vakanga vane hunyangadzi. Enoki akataura kusava nechokwadi kwake. “Asi [ini] ndiri mwana mudiki,” akadaro. “Vose vanhu vanondivenga … handigoni kutaura zvakanaka; naizvozvo ndiri muranda wenyu here?” (Mosesi 6:31).
Ishe vakapindura nesimba uye neruvimbiso. “Enda mberi uye unoita zvandakuraira. … Vhura muromo wako, uye uchazadzwa … . Mweya wangu uri pauri … ; makomo achatiza pamberi pako … ; naizvozvo famba neni” (Mosesi 6:32, 34).
Enoki akadzidza kuti apo Ishe pavanotipa basa, hatitarisane naro tiri toga. Apo patinoita nokuchengeta zvibvumirano naKristu, tinofamba Naye uye togoverana musimba Rake—tinova midziyo mumaoko Ake.
SaEnoki, mune basa rakakosha: kushumira, kushandira mutemberi, kuropafadza nokupa sakaramende, kunzvera magwaro matsvene, kurarama mwero yevhangeri, kutendeuka, kugadzirira kunoshumira, uye nezvakawanda. Zvinogona kunzwikwa sezvinokurira zvikuru. Munogona kunzwa kuti hamuna kukodzera. Izvi ZVAKANAKA. Hazvisi pamusoro pokuzviita muri moga Zviri pamusoro pokusarudza nhasi—zuva ranhasi uye zuva roga roga—kufamba naMwari.
Nerubatsiro Rwavo, munokwanisa kuita zvinhu zvose. Vanozokusimbisai, kukuregererai, uye nokukukwanisai kupfuura kwaniso dzenyu dzemasikirwo. Vanokudai! SaVatungamiri veVakomana veChidiki, tinokudai uye tinotarisira kubatana nemi mukunzvera nokudzidza dingindira rinokurudzira ra2026: “Famba Neni.”
Vatungamiri Vakuru veVakomana veChidiki
© 2026 neIntellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeShoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), January 2026. Shona. 19934 731