2025
Rubatsiro kubva kuManyuko Akarurama
Kukadzi 2025


Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (reZveRusimbiso rweVeChidiki) Kukadzi 2025

Rubatsiro kubva kuManyuko Akarurama

Zvisinei nezvinetso zvawakatarisana nazvo, Jesu Kristu anozokubatsira apo paunotendeukira kwaAri.

Jesu Kristu

The Pattern [Mutoo], naJeanette Bourup

Pane imwe nguva tose tinoda rubatsiro rudiki. Dzimwe nguva rubatsiro rwuzhinjisa. Chokwadi ndechokuti, upenyu hwunofamba zvirinani zvikuru apo pausingaedzi kufamba wega.

Jesu Kristu ndiye manyuko ako akarurama erubatsiro, tariro, uye simba. Anokwanisawo kubatsira kukushanduka kuti uve munhu arinani—pamwe kunyangwe nenzira dzawaiva usingafungi kuti dzingakwanisika.

Kushanduka kweMwoyo

Wakambonamata here kuti Mwari vapfavise mwoyo yavavengi vako? Kana zvakadaro uri panzvimbo yakanaka (ona 3 Nifai 12:44; Moronai 7:48). Kunyangwe dai usina vavengi mupfungwa imwechetewo seye muBhuku raMormoni (unoziva, vavengi vakapakatira zvombo uye vakagadzirira kurwisa), pamwe wakambonamata kuti Mwari vapfavise mwoyo wemumwe munhu aiva asingakubati zvakanaka.

Asi wakambofungawo here kunamata uchikumbira Mwari kuti vapfavise mwoyo wako iwe? Pamwe une nguva yakaoma pakuregerera mumwe munhu. Kana kuti unoramba uchingoshatirwa, kunyangwe zvazvo usingadi kudaro. Kana kuti unoda kunyanya kunzwa tsitsi kuvaberekedzani vako zvisinei nokuti vanokutsamwisa dzimwe nguva.

“[Jesu Kristu] anozoshandura mwoyo wako neupenyu hwako. Padiki nepadiki, unozokura uye wonyanya kuva saIye. Kubatana kwako nechibvumirano naIye kunozokuunzira mukana mukuru wokuwana simba Rake” (For the Strength of Youth: A Guide for Making Choices [2022], 8, kusimbisisa kwakawedzerwa).

Haisi vimbiso hurusa here iyi? Zvisinei nezvinetso zvawakatarisana nazvo, kunyangwe mwoyo wako pachako, Jesu Kristu anokwanisa kubatsira. Ungakwanisa kutendeukira sei kwaAri nhasi?

mukomana