Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Mbudzi 2024
Kutevera Kristu
Zvikamu Zvakatorwa
Philippines
Kutevera Kristu haisiri tsika yenguva pfupi chete kana yenguva yeapo neapo. Kuzvipira kwenguva dzose uye inzira yeupenyu inofanira kutitungamirira munguva dzose uye munzvimbo dzose. Dzidziso Dzake uye muenzaniso Wake zvinopa gwara remudzidzi wose waJesu Kristu. …
Mirairo yaMwari inopa simba rinotungamirira uye rinodzikamisa muhupenyu hwedu. …
Imwe yedzidziso dzeMuponesi inoratidza kuda kusimbisiswa zvakare mumamiriro ezvinhu ezuva redu.
Ino inguva yemashoko mazhinji makukutu uye anorwadza munhaurirano yeruzhinji uye dzimwe nguva kunyangwe mumhuri dzedu. …
Vateveri vaKristu vanofanira kudzidzisei uye kuitei munguva ino ine nhaurirano dzakaipa zvikuru? Dzidziso Dzake nemienzaniso Yake yaiva ipi?…
… Tinofanira kuda uye kuita zvakanaka kuna vose. Tinofanira kudzivirira gakava uye tova vayananisi munhaurirano dzedu dzose. Izvi hazvirevi kuderedzera misimboti uye uye izvo zvatinokoshesa asi kurega kurwisa vamwe nehasha nokuda kwemisimboti yavo uye zvavanokoshesa. Izvo ndizvo zvakaitwa neMuenzaniso wedu Wakarurama muhushumiri Hwake. Ndiwo muenzaniso waAkatimisira apo paAkatikoka kuti tiMutevere. …
Sevateveri vaKristu, tinodzidzisa nekupupura nezva Jesu Kristu, Muenzaniso wedu Wakarurama. Saka ngatiMuteverei kuburikidza nekurega gakava. Apo patinotevedza mitemo yedu yatinoda muzviito zveparuzhinji, ngatikodzerei kuwana maropafadzo Ake kuburikidza nokushandisa mutauro uye nzira dzevayananisi. Mumhuri dzedu uye mune humwe hukama hwedu pachedu ngatidzivirirei izvo zvine hasha uye zvinoruvengo.
© 2024 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly For the Strength of Youth Message, November 2024. Shona. 19345 731