Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strenghth of Youth, Kubvumbi 2026
Mushure meZvikanganiso Zvako-Kunyangwe Izvo Zvikuru
Tinokwanisa kudzidza zvakawanda kubva kuna Petro pamusoro peMuponesi, Rudzikinuro Rwake, uye nokuedza zvakare.
Peter’s Denial [Kuramba kwaPetro], naCarl Bloch
Vazhinji vedu takaita ndangariro imwechete kana kupfuura yatinoshuva kuti dai tangokwanisa kukanganwa. Kana yaiva nguva yenyadzo huru, tsaona yapanyama yairwadza, kana mukakavadzano umo mawakataura mashoko aunoshuva kuti dai waikwanisa kuadzosa, kune nguva zhinjisa muupenyu apo bhatani rinoti "ita zvimwe zvakasiyana" kana kunyangwe "bvisa" parinodikanwa zvikurusa.
Huporofita Hwunorwadza Hwakazadzikiswa
MuApositora Petro aiva munhu aishamisa zvikuru muTestamente Itsva. Akanga aine rutendo neushingi hwokufamba pamusoro pemvura akananga kwaiva naJesu, asi pashure pechinguva chidikidiki akabvumira kutya kwake kuti kumukurire uye akatanga kunyura, achidaidzira kuna Ishe kuti vamubatsire (ona Mateo 14:28-31). Apo tisingazivi zvinhu zvose nezve upenyu hwaPetro, tinoziva nezve imwe nguva apo akachema zvikurusa.
Maawa mashoma Jesu asati asungwa, Akaporofita kuti Petro aizoMuramba katatu jongwe risati rarira kaviri. Petro akaramba kutenda huporofita hwakadaro uye "akareva nokusimbisa, achiti: Kunyangwe ndikafanira kufa nemi, handingatongokurambiyi ini" (Marko 14:31).
Zvechokwadi, huporofita hweMuponesi hwakava chokwadi. Nevhundutsiro netyisidziro zvaiva pakusungwa kweMuponesi, ushingi hwaPetro hwakakundikana. Mushure mokunge aramba kuti aiziva Muponesi kaviri, uye nokuvhudzurudzwa kechitatu, Petro "akatanga kutuka nokupika, achiti, handimuzivi munhu uyu wamunoreva" (Marko 14:71).
Apo jongwe parakarira kaviri uye Petro akayeuka huporofita hweMuponesi, "akachema zvikuru" ( Mateo 26:75).
Asi aya handiwo magumo enyaya yake!
Shanduko Inoitwa, Nariinhi nariinhi
Kuburikidza nezvose zvatinokwanisa kudzidza mumagwaro matsvene, kutya kwaPetro hakuna kuzombokunda zvakare uchapupu hwake hwaJesu Kristu. Akapupura neushingi nezve Muponesi pamukana wose waaiwana, zvisinei nenjodzi yaaizviisa mairi mukuita kudaro. Yeukai, Petro aidzidzisa vanhu vakanga vachangororeva Jesu Kristu pamuchinjikwa! Njodzi yacho yaiva yechokwadi.
Apo Petro paakaporesa murume aiva akaremara kubvira pakuzvarwa, achimuraira kuti, "Nezita raJesu weNazareta simuka ufambe" ( Mabasa AvaApositora 3:6), akasungwa pamwepo naJohane uye akabvunzwa kuti akanga iita chishamiso ichi sei.
Petro akapindura noushingi, "Muzive imi mose, navanhu vose vaIsraeri, kuti nezita raJesu Kristu weNazareta, wamakarovera pamuchinjikwa, iye wakamutswa naMwari kuvakafa, nezita iri munhu uyu umire pano pamberi penyu apora.
"Ndiye ibwe rakazvidzwa nemi vavaki, rikaitwa musoro wekona. Nokuti hakuna kuponeswa kunomumwe; nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga, rakapuwa pakati pavanhu, ratingasunungurwa naro" (Mabasa AvaApositora 4:10-12).
Imhinduro yakashinga zvakadii! Uye umboo hwuri pachena hwezvitendo zvake.
Varanda Vasina Kururama, Vanokwanisa Zvakarurama Kushandira
Mumwe nomumwe wedu anozoita zvivi muupenyu hwuno. Zvisinei nokuedza nesimba rose kwedu, tinozokundikana patariro nezvivavariro zvedu nguva nenguva. Sokudzidzisa kwakamboita Jeffrey R. Holland (1940–2025), Mutungamiri weChikwata chaVaApositora vane Gumi naVaviri, “Kusara kweMwanakomana Waberekwa Wavo chete akarurama, vanhu vasina kururama ndivo chete avo Mwari vavainavo vokushanda navo.”
Ukoshi hwako hwezvepamweya hahwuyerwi kana kuganhurwa nezvikanganiso zvako-kunyangwe izvo zvikuru! Nokuda kwokuti akatendeuka uye Kristu akamuregerera, kuramba Kristu kwaPetro hakuna kumudzivirira kubva mukupupura, kudzidzisa uye nokutendeutsa nesimba guru pashure. Magwaro matsvene akazara nemienzaniso yevamwe vadzidzi avo vakaita zvivi, vakatendeuka, uye vakaenderera mberi norutendo muna Kristu.
Satani nguva dzose anozoedza kukupwisa kuti zvikanganiso zvako zviri kuwanda uye kuti hauzombofi wakakwanisa kuzvikunda. Usateerera kunhema dzake!
Sisita Tamara W. Runla, Mutevedzeri Wokutanga muHutungamiri Hukuru hweVasikana Vechidiki, vakadzidzisa kuti: "Munofanira kunzwa izvi, saka ndinozotaura mashoko aya ndichidudza: Hausi inzwi riri mumusoro wako kana zvikanganiso zvawakaita. Ungangofanira kutaura izvozvo uchidudzawo. Taurira Satani, ‘Kwete nhasi.’ Muise kumashure kwako.
"Inzwa kukwevewa ikoko, rusuwo rwehumwari urwo rwunokutendeudza kuenda kuMuponesi wako, uye tarisa uone nyasha Dzake dzichipinda muupenyu hwako uye muupenyu hweavo vaunoda. Ndinovimbisa kuti pachinguva chaunongounza noushingi mwoyo wakatyoka kwaAri, Anovapo pakarepo."
Christus Consolator [Kristu Munyaradzi], naCarl Bloch
Mazuva Akanaka Ako Ari Pamberi
Mwaka uno weIsita, apo paunofungisisa zvakanyanya kuzara pamusoro peRudzikinuro rweMuponesi, rangarira kuti kwaniso yokutendeuka uye nokuedza zvakare ndiyo chimwe chezvipo zvikurusa zvaungambofa wakagamuchira. Nokuda kwaJesu Kristu, zvikanganiso zvako zvakaipisisa zvinokwanisa kuregererwa uye zvino zvokandirwa kure sengetani dzinorema.
“Muponesi nguva dzose anobwinya kupfuura rima renyadzi,” Sister Runia vakadzidzisa.
Nokuda kwaJesu Kristu, tariro inokwanisa nguva dzose kupenya zvakajeka mberi apo paunoramba wakanangisa paAri.
© 2026 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo muChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly For the Strength of Youth Message, Kubvumbi 2026. Shona. 20064 731