ZveRusimbiso rweVechidiki
Unoda Kunyanya Kufara? Edza Ruvongo
For the Strength of Youth (Zverusimbiso rweVechidiki) Kukadzi 2026


Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVeChidiki), Kukadzi 2026

Unoda Kunyanya Kufara? Edza Ruvongo

Apo upenyu hwako pahwunenge hwuzere neshanduko, ruvongo rwunokwanisa kukubatsira kunangisa pfungwa pazvinhu zvakanaka uye nokuramba uine tariro.

munhu ari pasi pemakore emvura uye munhu akakomberedzwa neshiri nemashavishavi uye nemaruva

Mifananidzo naMaggie Stephenson

Hauzombofa wakafara kupfuura kuvonga kwaunoita.”

Sezvinotaurwa nechitapwa chakabva kuna Gosa Gary B. Sabin veVane Makumi Manomwe, mafariro aunoita anokonzerwa nekuvonga kwaunoita. Zvine musoro—apo paunovonga, urikunangisa pfungwa pazvinhu zvakanaka pachinzvimbo chezvinhu zvakaipa.

Kunyangwe zvakadaro, upenyu haufambi nenzira yaunenge wakaronga nguva dzose. Shanduko dzisingatarisirwi dzingangoita kuti unyanye kunzwa kushushikana, kusuwa, kana kushungurudzika zvinopfuura kufara. Asi apo zvinhu pazvinenge zvakaoma, ruvongo runokwanisa kukubatsira kuramba uine tariro. Edza nzira nhatu idzi kuti uunze ruvongo rwakawanda muupenyu hwako?.

1. Tsvaka Zvakanaka

nguva zhinji, zvakanyanyisa kuoma kuva neruvongo apo paunonzwa sokuti pane zviri kushaikwa mauri. Asi maropafadzo api aungange usiri kuona nokuda kwokunangisa pfungwa pane izvo zvausina pachinzvimbo cheizvo zvaunazvo?

Apo paunotsvaka zvakanaka muupenyu hwako, nokufamba kwenguva zvinozova nyore kuwana.

2. Taura Ruvongo kuMupi

Apo paunoverenga maropafadzo ako, usakanganwa kwaanobva.

Kuvonga Baba Vokudenga nezvipo Zvavo—kusanganisira chipo cheMwanakomana Wavo—kunokwanisa kuwedzera rudo rwako kwaVari nerutendo rwako maVari. Mutungamiri D. Todd Christofferson, Mutevedzeri weChipiri muHutungamiri Hwokutanga, vakatsanangurawo, “Kunzwa uye nekutaura ruvongo kuna Mwari … kunosanganisa kunamata nepfungwa yevandudzo ine rufaro,” zvichiunza kwauri mufaro nesimba uye zvichibatsira uchapupu hwako kugara hwakachengetedzeka.

3. Nangisa pfungwa paChirongwa chaBaba Vokudenga

Sezviri pachena, kuva neruvongo hazvirevi kufuratira zvinhu zvakaoma muupenyu kana kunzwa kufara nguva dzose. Kunyangwe Jesu Kristu akanzwa uye nokubvuma kurwadziwa (ona Aruma 7:11; Dzidziso neZvibvumirano 19:18–19). Rusuwo chikamu chamazuva ose cheupenyu hwenyama.

Asi kunyangwe zvikaita sei, chinhu chimwechete hachimbofi chakashanduka: chirongwa chengoni chaBaba Vokudenga. Rusuwo rwose nemarwadzo ose aunosangana nawo muupenyu anozogadziriswa nokuda kwaJesu Kristu neRudzikinuro Rwake (ona Zvakazarurwa 21:4).

Gosa Dieter F. Uchtdorf veChikwata chaVaApositora vane Gumi vakatsanangura: “Kuva noruvongo munguva dzematambudziko hazvirevi kuti tinofadzwa nemamiriro edu ezvinhu. Izvi zvinoreva kuti kuburikidza nemaziso orutendo tinotarisa zviri mberi kwezvinetso zvedu zvezuva ranhasi.”

Manotsi

  1. Gary B. Sabin, musangano mukuru waGumiguru 2023 (Liahona, Mbudzi 2023, 58).

  2. D. Todd Christofferson, musangano mukuru waKubvumbi 2025 (Liahona, Chivabvu 2025, 77).

  3. Dieter F. Uchtdorf, “Grateful in Any Circumstances,” musangano mukuru waKubvumbi 2014 (Ensign kana Liahona (Riahona), Kubvumbi 2014, 76).