Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Zvita 2025
Chii chatinoziva pamusoro pavafudzi paKirisimasi yokutanga?
Shepherds [Vafudzi], naBrian Call
Tinoziva zvinhu zvishoma pamusoro pavafudzi paKirisimasi yokutanga.
Vaiva pedyo neBetrehema. Vafudzi vaiva “munyika imwecheteyo” umo Kristu maakaberekerwa (Ruka 2:8). Uye vakakwanisa kusvika muBetrehema netsoka apo Iye achiripo (ona Ruka 2:15–16).
Vaiita basa ravo. Vafudzi ava “vaigara muvuragu vachirinda mapoka avo usiku” (Ruka 2:8). Vaiva vafudzi vakanaka uye vakavimbika, seMuponesi—iye Mufudzi Akanaka (ona Johane 10:11, 14).
Vaiziva huporofita hwaMesiasi. Zviri pachena kuti vaiziva izvo zvaitaurwa nengirozi apo payakazivisa nezve kuberekwa “kwaKristu Ishe” (Ruka 2:11), Mesiasi akaporofitwa kare.
Vaiva nechido chikuru. Apo ngirozi payakavaudza pamusoro “pemwana mucheche … avete muchidyiro” (Ruka 2:12), vakaenda “nokukurumidza” kunoMuona (Ruka 2:16).
Vakagovera mashoko akanaka acho. “Vakazivisa kwose” zvavakanga vanzwa nezvavakaona maererano neshoko rengirozi pamusoro pekuzvarwa kwaKristu (Ruka 2:17).
Vakatenda nekurumbidza Mwari. Pashure pezvose izvi, “vakadzokera kwakare, vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pezvose zvavakanzwa nezvavakaona” (Ruka 2:20).
© 2025 ne Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly For the Strength of Youth Message, Zvita 2025. Shona. 19617 731