Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strenghth of Youth, Gumiguru 2025
Sei Ishe vaine Chechi?
Chinangwa cheChechi yaKristu ndeche ”kuita kuti vanhu pachavo nemhuri vakwanise kubatsira Mwari mukuzadzikisa basa Ravo reruponeso nokusimudzirwa kumusoro-soro.“ Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira inobatsira ”kuita kuti vana (vaMwari) vakodzere nhanho yokubwinya yapamusoro-soro, iyo inova kusimudzirwa kumusoro-soro kana upenyu hwokusingaperi.“
”Muponesi … akapa basa [kuChechi] rokuzadzikisa zvinangwa Zvake-kuparidza vhangeri Rake, kupa zvisungo nezvibvumirano Zvake, uye kuita kuti zvive zvinokwanisika kuti simba Rake ritiruramise uye rititsvenese.“
Nhengo dzeChechi dzinokwanisa kuwana simba namaropafadzo zvaJesu Kristu kuburikidza nemvumo yehupirisita uye nemakiyi, zvibvumirano nezvisungo, nhungamiro yehuporofita, magwaro matsvene, uye nzanga yaVatendi.
Chechi yakarairwawo kuti: ”Simukai uye muvhenekere mberi, kuti chiedza chenyu chigova mureza wamarudzi” (Dzidziso neZvibvumirano 115:5).
Nhengo dzeChechi dzinoedza nesimba rose ”kuvhenekera mberi“ kuburikidza nokurarama vhangeri, kukoka vose kuti vagamuchire vhangeri, kubatanidza mhuri nokusingaperi, uye kuriritira varombo navanoshaiwa. Iri ibasa raMwari reruponeso nokusimudzirwa kumusoro-soro.
© 2025 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo muChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly For the Strength of Youth Message, Gumiguru 2025 Shona. 19624 731