2025
Jesu Kristu Ndewe Mazuvawo Akanaka
For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki) Gunyana 2025


Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Gunyana 2025

Jesu Kristu Ndewe Mazuvawo Akanaka

Apo zvinhu pazvinenge zvichifamba zvakanaka, tingaramba sei takanangisa pfungwa paMuponesi? Heano mamwe mazano.

chiso chirikunyemwerera chakachekwa pabepa chakanangiswa kuzuva

Fungidzira kana shamwari yako yaingotora nguva yekuva newe chete apo payaiva ichinetseka uye yaikunyenyeredza apo payaiva ichifara. Hukama hwakanaka here ihwohwo? Kwete chaizvoizvo.

Tinomboita izvozvo here kuMuponesi wedu—kuMutsvaka munguva dzakaoma uye toMukanganwa munguva dzakanaka?

Tinotaura kazhinji pamusoro pekuti Jesu Kristu anotibatsira sei nemunguva dzedu dzakaoma, zvichida nokuti munhu wose, pane imwe nguva, anotarisana nezvinhu zvakaoma.

Asi pane mamwe mazuva—mavhiki kana makore kunyangwe, kana tikaita rombo rakanaka—panenge zvinhu zvichifamba zvakanaka chaizvoizvo. Dzimwe nguva tinokanganwa Muponesi panguva idzodzo. Vanhu vemuBhuku raMormoni vakazviita. Vakabudirira kubva pamaropafadzo aMwari kwechinguva asi pakupedzisira vakakurirwa nerudado apo pavakaMukanganwa.

Nguva dzakanaka hadzirevi kuti ipapo tobva tava tisisachadi Jesu Kristu zvakare. Nguva dzebudiriro ndidzo nguva dzakarurama kufara neMuponesi, kwete kumukanganwa.

Saka tinoramba sei takabatana naJesu Kristu naBaba vedu vari Kudenga kana miedzo isiri kutiyeuchidza kuti titendeukire Kwavari?

Ramba Wakazvininipisa

Apo zvinhu pazvinenge zvichifamba zvakanaka, zvakanaka kupemberera maropafadzo nebudiriro dzako. Asi usakanganwa kuti ndiani akaita kuti zvikwanisike kuti uve pauri. Mambo Benjamini akazvitaura nenzira iyi mumharidzo yake yemuBhuku raMormoni:

Nokuti tarisai tose hatisi vapemhi here? Tose hatisi here tinovimba paMunhu mumwechete, kunyangwe Mwari, kuitira pfuma yose iyo yatiinayo, kuitira zvose zvokudya nezvokupfeka, uye kuitira goridhe, uye nesirivha uye kuitira upfumi hwose uhwo hwatiinahwo hwemarudzi ose? (Mosaya 4:19).

Kuzvininipisa pamusoro pebudiriro yako kuburikidza nekurangarira zvawakaitirwa naBaba Vokudenga naJesu Kristu inzira yakanaka yekuVasanganisira munguva dzako dzakanaka.

Ramba Uchivonga

Ruvongo ndechimwe chezvinhu zvakanakisisa zvekurapa rudado nehanganwa. Kuvonga Mwari kunozokubatsira kuVayeuka uye nezvose zvakanaka Ivo neMwanakomana Wavo zvavanoita muupenyu hwako. Izvi zvinoshanda munguva dzakanaka sekushanda kwazvinoita munguva dzakaoma.

Ramba Wakachenjerera

Kumwe kwekurwisa kwaSatani kwaanofarira ndekwe “kukunyaradza uye nokukurezva, kuti unzwe ruchengeteko rwepanyama” (2 Nifai 28:21). Nemamwe mashoko, anozozvifarira kana wainzwa wakagutsikana uye wakachengeteka zvikuru munguva dzako dzakanaka zvokuti unokanganwa icho chakanyanyisa kukosha. Saka, usakanganwa Mwari! Apo paunogara uchiziva hunyengeri hwakavanda hwemuvengi uye uchihuramba kunyangwe munguva dzako dzakanaka, unokwanisa kugara uri pedyo naBaba Vokudenga naJesu Kristu.

musikana wechidiki

The Good Shepherd (Mufudzi Akanaka), naMichael Malm

Ramba Wakanangisa Pfungwa Dzako pana Kristu

Mutungamiri Russell M. Nelson vakadzidzisa kuti: “Apo nangiso yeupenyu hwedu painova pachirongwa chaMwari cheruponeso … naJesu Kristu nevhangeri Rake, tinokwanisa kunzwa mufaro zvisinei nezviri kuitika—kana zvisiri kuitika—muupenyu hwedu. Mufaro unouya kubva kwaAri uye nokuda Kwake. Iye ndiye manyuko emufaro wose.”

Kangani kaunofunga nezvechokwadi ichi pamusoro pemufaro apo upenyu pahwunenge huchifamba zvakanaka? Iyi haisi chete rairo yekunyaradza apo zvinhu pazvinenge zvakaoma. Ichokwadi nguva dzose, kusanganisira pamazuva ako akanakisisa. Saka ita zvose zvaunokwanisa kuti unangise pfungwa pana Kristu, pazvinenge zvakaipa kana kuti zvakanaka.

Noti

  1. Russell M. Nelson, October 2016 general conference (Ensign kana Liahona, Mbudzi 2016, 82).