Shoko reMwedzi Woga Woga For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki) Kurume 2025
Tinogara sei munyika uye “nokuisa parutivi zvinhu zvenyika ino”?
The Disciples Whom He Had Chosen [Vadzidzi Avo Vaakanga Asarudza], naCasey Childs
Ishe vakati, “Muchaisa parutivi zvinhu zvenyika ino, uye motsvaka zvinhu zvirinani.” (Dzidziso neZvibvumirano 25:10). Izvi hazvirevi kuti tinoshaira hanya zvidikanwi zvedu zveraramo yezvepanyama, asi zvinoreva kuti hatiisi mwoyo yedu papfuma, simba, chinzvimbo, kana kugamichirwa nenyika. Heino mimwe misimboti yatakadzidziswa pamusoro pekugara munyika:
Isai zvinhu zvaMwari pekutanga. “Asi tangai kusvaka umambo hwaMwari nokururama kwake” (Mateo 6:33). Mumwoyo yedu nemuupenyu hwedu, mitemo yaMwari nezvibvumirano zvedu Navo ndizvo zvatinokoshesa.
Tsvakai kudzidza. Apo pamunodzidza pamusoro penyika yakakukomberedzai, dzidzaiwo pamusoro peMuponesi. … Pamunodzidza zvakawanda, munokwanisawo kubatsira zvakanyanya kuvaka umambo hwaMwari uye kukurudzira zvakanaka munyika ” (For the Strength of Youth: A Guide for Making Choices [2022], 31, 32).
Basa. “Basa musimboti wakakosha wevhangeri. Rinokurudzira kukura uye rinotikudziridza. … Ishe havangodi chete kuti tiriritire mhuri dzedu asi kuti tive ‘vanoshanda nechido mumabasa akanaka,’ [Dzidziso neZvibvumirano 58:27]” (“Employment,” Topics and Questions, Gospel Library).
© 2025 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly For the Strength of Youth Message, March 2025. Shona. 19628 731