Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Ndira 2025
Tarisai kuna Kristu
Dzidziso neZvibvumirano 6:36
Dingindira reVechidiki ra2025 rinozokubatsira kusarudza ruvimbo pachinzvimbo chekushaya chokwadi uye rutendo pachinzvimbo chekutya.
Kailey, ane makore gumi nemanomwe akanga ari mutimu yevakurudziri nevavaraidzi vevaoni vemasipotsi kusvikira tsaona yakagumisira nekukuvara kwakaipa kweurozvi hwake. Nguva yekupora kwake yakaita kuti atadze kuenda kuchikoro, uye akatanga kunzwa kusurukirwa uye nekuva ari oga. Akanetsekana nemarwadzo emwoyo uye haana kuziva kwekutsvaga rubatsiro. Imwe shamwari yake yakamupa zano rekuti ateerere kuvashumiri. Vakamudzidzisa pamusoro peRudzikinuro rwaJesu Kristu. Kudzidza zvakawanda pamusoro paKristu kwakamupa tariro, uye akanzwa sokuti Mwari Pachezvawo vaiva vachinanavira kwaari.
Kailey akaudza amai vake kuti, “Handisati ndambonzwa kuti Mwari vanondida. Asi iyezvino ndinoziva kuti Vanondida.”
Amai vake, Michelle, vakashamiswa nazvo. Ivo nemurume wavo Brock, vakanga vabuda muChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, apo Kailey paaiva nemakore manomwe ekuberekwa nokuda kwemibvunzo, kushaya chokwadi, uye zvinetso zvakasiyana siyana zvavaiva nazvo. Vakafungidzira kuti mwanasikana wavo aizova anofara asina yose misangano nemirairo. Havana kumbofunga kuti sarudzo yavo yaizodzivirira Kailey kuva nehukama hwepedyo naMwari. Apo Michelle naBrock pavaitarira mashandukiro akaita Kailey, vakaziva kuti yakanga yava nguva yakareba kubva pavakanzwa kuva pedyo naMwari, uye vaida kunzwa manzwiro iwayo zvakare.
Vakasangana naBhishopi wavo, uye nenguva pfupi mhuri, kusanganisira nehanzvadzi yaKailey Braeden, vakadzokera kuchechi. Kunzwa kuva pedyo naMwari uye kubatanazve Navo—kunyanya kuburikidza nemunamato—zvakadzorera rutendo rwavo. Kudzokera kuchechi hakuna kugadzirisa mibvunzo kana zvinetso zvavo zvose, asi vakaziva kuti kuva nehukuma hwakasimba hwako pachako naMwari kwaiva kwakanyanya kukosha kudarika kusatenda kwavo.
Zvose izvi zvakatanga apo shamwari—iri mhandara semi—payakakoka Kailey kuti atarise kuna Kristu. Uye Kailey akaita saizvozvo!
Jesu Kristu akati, “Tarirai kwandiri mupfungwa dzose; musashaya chokwadi, musatya” (Dzidziso neZvibvumirano 6:36). Chinyorwa chitsvene ichi ndicho chakava kurudziro yeDingindira reVechidiki ra2025. Tibvumirei kugovera masarudziro amungaite ruvimbo pachinzvimbo chekushaya chokwadi uye rutendo pachinzvimbo chekutya apo pamunotarisa kuna Kristu:
Kubva kuruboshwe kuenda kurudyi: Sisita Runia, Mutungamiri Freeman, Sisita Spannaus
Tamara W. Runia
Apo pandinenge ndichinetseka, zvinondibatsira nguva dzose kufungidzira Jesu Kristu akatambanudza maoko Ake. Apo pandinotarisa kwaAri, ndinorangarira mashoko erumbo runoti, “I Will Walk with Jesus”: “He will never leave me, even when I fall” (Ndichafamba naJesu: Haazombondisiyi, kunyange apo pandinokanganisa).
Emily Belle Freeman
Apo pandinoverenga chinyorwa chitsvene chedingindira iri, ndinoyeuchidzwa nezvaPetro ari Mugungwa reGarireya. Kunangisa pfungwa padutu kwakawedzera kutya nekushaya chokwadi, zvikakonzera kuti anyure mudutu remasaisai. Asi kunangisa pfungwa paMuponesi zvakaita kuti Akwanise kubudirira pachimwe chinhu chaasina kumbobvira akaita: akafamba pamusoro pemvura! Zvinoshamisa, zvechokwadi. Chii chaungabudirira pachiri apo paunotarisa kwaAri?
Andrea Muñoz Spannaus
Apo pandinotanga kunzwa kutya, zvisinei nekuti ndiri kupi kana mumamiriro ezvinhu mupi mandiri, ndinofunga nemaune nezvehukama hwangu naMwari uye Jesu Kristu. Ndinodzokorora mupfungwa dzangu kakawanda kuti: NDIRI MWANASIKANA WAMWARI. Ndinoramba ndichiita izvi kusvikira ndava kutanga kunzwa zvirinani. Kudzokorora chirevo ichi kunoshanda nguva dzose!
Kubva kuruboshwe kuenda kuRudyi: Bhuratha Wilcox, Mutungamiri Lund, Bhuratha Nelson.
Bradley R. Wilcox
Zvibvunze pachako kuti ndiani ane hanya newe uye anokuda zvakanyanyisa. Vabereki vako here kana kuti vatungamiri veChechi? Vanhu vaunosangana navo here panhaurirano dzepaindaneti avo vanongova nehanya nenhamba yevateveri vavo paindaneti? Tarisai kuna Baba Vokudenga naJesu Kristu. Vane hanya zvechokwadi!
Steven J. Lund
Rangarira zvaunoyeuchidzwa nezvazvo apo paunodzokorora madingindira eChikwata cheHupirisita hwaAroni neVasikana veChidiki: Uri mwanakomana kana mwanasikana anodiwa waMwari. Iva nerutendo kuti Baba vedu vane chirongwa chako iwe. Kutarisa kuna Kristu zvinoreva kuona kuti Rudzikinuro Rwake rwuri pakati chaipo pechirongwa ichocho.
Michael T. Nelson
Kuverenga magwaro matsvene kutarisa kuna Kristu! Kushaya chokwadi nekutya zvinonyangarika apo patinoyeuchidzwa nezve zvishamiso uye dzidziso dzaJesu. Tinerombo rakanaka zvikuru kuwana mashoko Ake. Anoshanda mumamiriro ezvinhu ose atinosangana nawo muupenyu hwedu.
© 2025 ne Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly For the Strength of Youth Message, January 2025.. Shona. 19615 731