Shamwari
Paseka
Friend (Shamwari) yaKubvumbi 2026


“Paseka,” Friend [Shamwari], Kubvumbi 2026, 46–48.

Shoko reMwedzi Woga Woga reThe Friend [Shamwari}, Kubvumbi 2026

Paseka

Mufananidzo waMosesi naAroni vachitaura kuna Farao

Mosesi akaenda kuna Farao uye akamukumbira kuti asunungure nhapwa dzechiIsraeri. Farao akaramba. Ishe vakatumira matambudziko kuEgipita, as Farao akaramba achiti kwete.

Mufananidzo waMosesi achitaura kuvanhu

Ishe vakati Vaizotumira dambudziko rimwechete rokupedzisira. Mwana wedangwe wemhuri yoga yoga muEgipita aizofa. Asi kana vaIsraeri vaizotevera mirairidzo Yavo, dambudziko racho raizovapfuura.

Mufananidzo wemurume achiisa pendi pamagwatidziro egonhi, navana vakatarisa

Ishe vakaudza vaIsraeri kuti vabayire mukono wegwayana rakarurama uye vaise ropa regwayana pamusoro pemagonhi avo

Mufananidzo waFarao achichema mwanakomana wake akafa

Dambudziko rakauya Matangwe ose echiEgipita akafa, kusanganisira mwanakomana waFarao. Asi matangwe echiIsraeri akaponeswa nokuda kwokuti vakateerera Ishe.

Mufananidzo waFarao akashatirwa achitumira mauto

Farao akaudza Mosesi navaIsraeri kuti vabude muEgipita. Asi Farao aiva akashatirwa. Iye nemauto ake vakavadzingirira.

Mufananidzo wavaIsraeri vachidzingirirwa namauto

VaIsraeri vakadzika misasa paGungwa Dzvuku. Apo pavakaona vaEgipita vachiuya, vakatya. Mosesi akati Ishe vaizovadzivirira.

Mufananidzo waMoses achipatsanura Gungwa Dzvuku

Mosesi akasimudza tsvimbo yake, uye Ishe vakapatsanura gungwa. VaIsraeri vakayambuka napasi pakaoma.

Mufananidzo weGungwa Dzvuku richiwira pamauto echiEgipita

Apo vaIsraeri pavakanga vasisiri munjodzi vavakumhiri kwegungwa, mvura yakadzika pasi uye ikanyudza mauto. VaIsraeri vaiva vasununguka pokupedzisira.

Peji Yokuisa Ruvara

Jesu Kristu Akamuka Kuvakafa Kuitira Ini

Peji yokuisa ruvara PDF yebwiro rakashama reMuponesi

Mufananidzo naAudrey Day. Unokwanisa kukopewa kuitira kushandiswa kune zveChechi chete.

Chii chaunokwanisa kuita kuyeuka Jesu Kristu Isita ino uye nemugore rose?