Shamwari
Mosesi Muporofita
Kurume 2025 Friend (Shamwari)


“Mosesi Muporofita,” Friend (Shamwari), Kurume 2026, 46–48.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Kurume 2026

Mosesi Muporofita

Mosesi akapfeka zvipfeko zvevaEgipita achiona muEgipita achibata muranda wechiIsraeri zvisina kunaka

Mosesi aiva muIsraeri, asi akarerwa nemwanasikana waFarao muEgipita. Mosesi akasuwa kuti vaEgipita vaiva neutsinye kuvaIsraeri uye vakavaita varanda vavo.

Mosesi aine ruoko rwake rwakapoteredza muranda wechiIsraeri, achimutsigira

Rimwe zuva Mosesi akaona muEgipita achirova muIsraeri. Mosesi akadzivirira muIsraeri.

Mosesi ariega murenje

Apo Farao paakazviziva, akada kuuraya Mosesi, asi Mosesi akatiza kubva muEgipita.

Mosesi aine mudzimai vake nevana

Mosesi akasvika kunzvimbo yainzi Midiani, uko kwaakasangana nemudzimai ainzi Zipora. Vakachata uye vakava nevana.

Mosesi achiona Ishe vari mugwenzi riri kubvira

Paiva achigara muMidiani, Moses akaona gwenzi raiva richibvira, asi moto hauna kupisa gwenzi. Ishe vakazviratidza mumoto uye vakataura naMosesi.

Ishe vachitaura naMosesi

Ishe vakati Vaiziva kuti vaIsraeri vaiva vachitambura muEgipita. Vakaraira Mosesi kuti adzokere kuEgipita uye anotaurira Farao kuti arege vaIsraeri vaende vakasununguka. Ishe vakati Vaizobatsira Mosesi kusunungura vaIsraeri uye nekuvatungamirira kuenda kunyika yechipikirwa.

Peji Yekuisa Ruvara

Ndinokwanisa Kuva Netsitsi kuna Vamwe

Peji yekuisa ruvara PDF

Mufananidzo naAudrey Day. Munofanidzo unogona kupokwa kuitira kushandisa muChechi chete.

Chii chaungakwanisa kuita vhiki rino kuratidza tsitsi?