Shamwari
Noa neAreka
Kukadzi 2026 Friend (Shamwari)


“Noa neAreka,” Friend (Shamwari), Kukadzi 2026, 46–48.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Kukadzi 2026

Noa neAreka

Mufananidzo waNoa nemhuri yake vachifudza makwai.

Noa nemhuri yake vakateerera Ishe. Vamwe vanhu vose vaiva vane hunyangadzi zvikuru. Ishe vakataurira Noa kuti mafashama aizofukidza nyika kana vanhu vakasatendeuka.

Noa achiparidza

Noa akaudza vanhu kuti Ishe vaivada uye vaida kuti vatendeuke uye vave nerutendo muna Jesu Kristu. Havana kuteerera.

Noa nemhuri yake vachivaka areka.

Ishe vakataurira Noa kuti avake ngarava huru yaidaidzwa kunzi areka. Areka yaizochengetedza mhuri yaNoa yakadzivirirwa panguva yemafashama.

Mhuka dzichifamba kupinda muareka

Mhuri yaNoa yakaunza zvokudya muareka. Ishe vakatumira mhuka mbiri dzerudzi rwoga rwoga kuti Noa aise muareka. Zvino kwakatanga kunaya.

Areka yakayangarara pamusoro pegungwa

Kwakanaya kwemazuva makumi mana nousiku makumi mana. Mafashama akafukidza nyika, sokuyambira kwakanga kwaita Ishe.

Noa nemhuri yake vari mukati meareka

Mhuri yaNoa uye nemhuka dzose dzaiva muareka vakayangarara zvisina njodzi pamusoro pemvura.

Mhuri yaNoa uye nemhuka vakamira panyika uye vakatarisa kumuraraungu.

Apo mafashama paakapera, areka yakamira pasi pakaoma. Noa nemhuri yake vakatenda Ishe nokuvadzivirira. Ishe vakavimbisa kusazombofashamisa nyika zvakare. Vakatumira muraraungu sechiyeuchidzo chevimbiso Yavo.

Peji Yekuisa Ruvara

Kutevera Muporofita waIshe Kunozondiropafadza

Peji PDF

Mufananidzo naAudrey Day

Chii chaunokwanisa kuita kuti utevere muporofita?