“Adama naEva,” Friend (Shamwari), Ndira 2026, 46–48.
Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Ndira 2026
Adama naEva
Adama naEva ndivo vaiva vokutanga vevana vaBaba Vokudenga kugara panyika. Vaigara muBindu reEdeni.
Mwari vakavabvumira kudya michero yemiti yose kunze kwemumwechete. Kana vakadya kubva mumuti weruzivo rwezvakanaka nezvakaipa, vaizofanira kubuda mubindu iri uye pokupedzisira vaizofa. Asi Satani akavanyepera. Akati kana vakadya muchero uyu, vaizoziva zvakanaka nezvakaipa asi havaizofa.
Eva akasarudza kudya muchero wacho.
Zvino akapa Adama mumwe wemuchero. Iyewo akasarudza kuudya.
Mwari naJesu Kristu vakavashanyira, asi Adama naEva vakatya uye vakavanda. Mwari vakabvunza kana vakanga vadya muchero kubva mumuti.
Adama naEva vakati vakadya muchero. Zvino vaifanira kubuda muBindu reEdeni. Asi Mwari vakanga vane chirongwa navo. Zvino vaiva voziva chakarurama kubva kune chisakarurama uye vaiva vokwanisa kuva nevana.
Adama naEva vakavimbisa kuteerera mirairo yaMwari. Vakadzidza zvakawanda pamusoro peMwanakomana waMwari, Jesu Kristu. Vakafara nokuti Aizobatsira mhuri yavo kudzokera kuna Mwari.
Peji Yekuisa Ruvara
Jesu Akasika Nyika
Mufananidzo naAudrey Day
Ndezvipi zvinhu zvaunofarira zvakasikwa naJesu Kristu?
© 2026 neIntellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Friend Message, January 2026. Shona. 19919 731