“Vatendi Vanoenda kuMadokero,” Friend (Shamwari), Zvita 2025, 26–28.
Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Zvita 2025
Vatendi Vanoenda kuMadokero
Mushure mokufa kwaJoseph Smith, Brigham Young nevamwe vaApositora vakatungamirira Chechi. Brigham aiziva kuti Vatendi vaifanira kubva muNauvoo nokuda kwokuti makanga musina ruchengeteko. Asi Ishe vaida kuti vatange vapedza kuvaka temberi.
Temberi payakanga yapera kuvakwa, zviuru zveVatendi zvakaita zvibvumirano naIshe uye vakasunganidzwa semhuri.
Zvino yakanga yava nguva yekuti vatange rwendo rwavo rwokuenda kumadokero. Kunze kwaitonhora, uye vanhu vairwara uye vaine nzara.
Brigham akanamatira rubatsiro. Ishe vakati vanofanira kubatsirana, uye Vaizovaropafadza nekuvabatsira.
Rwendo rwacho rwaiva rwakaoma zvikuru. Vamwe vanhu vakafa. Asi nokuda kwezvibvumirano zvavo zvemutemberi, Vatendi vaiziva kuti vaizoona nhengo dzemhuri dzavo zvakare.
Vatendi vokutanga vakasvika muSalt Lake Valley muna 1847. Imomo vaikwanisa kunamata Ishe uye kuita basa Ravo murunyararo.
Nemumakore apfuura, vamwe Vatendi vakawanda vakasvika uye vakavaka mamwe matemberi akawanda. Vashumiri vakafamba nepasi rose kuti vadzidzise vhangeri raJesu Kristu. Chechi yeMuponesi yakaramba ichikura, ichiropafadza vana vaBaba Vokudenga kwose kwose.
Peji Yekuisa Ruvara
Ndiye Chiedza, Upenyu, uye Tariro yeNyika
Mufananidzo naCorey Egbert
Chii chaunoita paKirisimasi kuti urangarire Jesu Kristu?
© 2025 ne Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Friend Message, Zvita 2025. Shona. 19637 731