“Jane Manning Anoenda kuNauvoo,” Friend (Shamwari), Gumiguru 2025, 26–28.
Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Gumiguru 2025
Jane Manning Anoenda kuNauvoo
Uko Jane Manning kwaaigara, vamwe vanhu vaimubata zvisina kunaka nokuda kweruvara rweganda rake. Nerimwe zuva, akanzwa mushumiri achidzidzisa. Nenguva pfupi akabhabhatidzwa.
Mhuri yaJane yakabhabhatidzwawo. Vose vaida kuva naVatendi muNauvoo. Saka vakatanga rwendo rwavo.
Mhuri yaJane yaida kufamba nechikepe kwechikamu cherwendo rwacho, asi vakanga vasina mari yakakwana. Saka vakafanira kufamba mamaira 800 (makiromita 1,300 ).
Vakafanira kuyambuka rukova rwakadzika uye kurara panze muchando. Asi vaiva vakashinga kusvika kuNauvoo. Vakazvifadza nokuimba apo pavaifamba.
Mhuri yaJane yakafamba kusvikira shangu dzavo dzabvaruka uye tsoka dzavo dzava kurwadza. Asi apo pavakanamata kuna Mwari kuti vawane rubatsiro, Vakaporesa tsoka dzavo.
Vakabatsira vanhu vavaisangana navo munzira. Vakatobatsira kuporesa mwana airwara nokuda kwerutendo rwavo.
Pokupedzisira, Jane nemhuri yake vakasvika kuNauvoo! Apo Joseph Smith paakanzwa izvo zvose zvavakanga vasangana nazvo, akaudza Jane kuti, “Mwari vakuropafadze. Wava pakati peshamwari zvino.”
Peji Yokuisa Ruvara
Jesu Anoda kuti Ndide Munhu Wose
Mufananidzo naCorey Egbert
Unotaridza sei rudo kuna vamwe?
© 2025 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo muChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Friend Message, Gumiguru 2025. Shona. 19630 731