“Kuvaka Nauvoo,“ Friend (Shamwari), Gunyana 2025, 26–28.
Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Gunyana 2025
Kuvaka Nauvoo
Ishe vakataurira Vatendi kuti vaungane munzvimbo itsva. Yakanga iri pedyo nerwizi rwukuru, panzvimbo yakanga yakanyorova uye iine matope. Yakanga isingaratidziki senzvimbo yakanaka yokuvakira guta. Asi Muporofita Joseph Smith aiziva kuti nerubatsiro rwaIshe, vaikwanisa kuita kuti ive yakanaka.
Vatendi vakashanda nesimba kuiita nzvimbo yakanaka yekugara. Joseph akadaidza guta racho kuti Nauvoo, izvo zvinoreva kuti “nzvimbo yakanaka.”
Ishe vaida kuti Vatendi Vavo vavake temberi muNauvoo. Vanhu vakakurumidza kutanga kushanda.
Ishe vakanga vaine maropafadzo makuru ekupa vanhu Vavo. Mutemberi, vaizoita zvibvumirano, kana zvivimbiso zvakakosha, naIshe. Vaizodzidzawo pamusoro pechirongwa chaBaba Vokudenga cherufaro chevana Vavo vose.
Vatendi vakashanda nesimba kuvaka temberi yacho. Zvakatora nguva refu, asi vaifara kuzodzidza pamusoro pezvivimbiso zvakakosha zvakanga zviina Ishe kwavari mutemberi Yavo.
Peji Yekuisa Ruvara
Temberi Imba yaIshe.
Mufananidzo naCorey Egbert
Unonzwa sei apo paunoona temberi?
© 2025 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Friend Message, September 2025. Shona. 19640 731