“Jere reLiberty,” Friend (Shamwari), Nyamavhuvhu 2025, 26–28.
Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Nyamavhuvhu 2025
Jere reLiberty
Vanhu vakawanda muMissouri vakanga vasingadi Vatendi. Gavhuna akatumira masoja kunovaita kuti vabve.
Masoja akasunga Joseph Smith nevamwe vatungamiri veChechi. Humwe husiku, varindi vaiva vachiseka pamusoro pezvinhu zvakaipa zvavakanga vaita kuVatendi.
Joseph Smith akasimuka uye akadaidzira kuti, “Nyararai!” Akataura nesimba raMwari. Varindi vakati vaiva neurombo uye vakarega kutaura.
Pashure, Joseph neshamwari dzake vakaiswa mujere muguta rainzi Liberty. Jere racho raitonhora, riri diki, uye riine rima. Vakanga vachigova chete neuswa hwune tsvina hwokurarira. Zvokudya zvavakapuwa zvakaita kuti varware.
Joseph ainetsekana pamusoro paVatendi. Asi haana chaaikwanisa kuita kuvabatsira.
Joseph akanamata kakawanda. Akabvunza kana Mwari vakanga vakanganwa pamusoro pake nenhengo dzeChechi.
Mwari vakapindura munamato waJoseph. Vakati, “Mwanakomana wangu, runyararo ngaruve kumweya wako.” Mwari vakaudza Joseph kuti zvinetso zvake hazvaizoramba zviripo nariinhi nariinhi uye kuti zvaizova zvakamunakira. Vakavimbisa kuti Vaizova naJoseph “nariinhi nariinhi wose” (Dzidziso neZvibvumirano 121:7, 46).
Peji Yekuisa Ruvara
Ndinokwanisa Kuva seChiedza kuna Vamwe
Mufananidzo naCorey Egbert
Uri muenzaniso wakanaka kuna vamwe sei?
© 2025 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Friend Message, August 2025. Shona. 19642 731