Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Chikunguru 2025
VaApositora Vanoshandira Hushumiri kuGreat Britain
Ishe vakaudza Joseph Smith kuti atumire vamwe vaVaApositora kuhushumiri kuGreat Britain. Zvaiva zvakaoma kuVaApositora kuti vasiye mhuri dzavo, asi Ishe vakavimbisa kuvaropafadza.
Heber C. Kimball nemudzimai wake, Vilate, vakanga vaine mhuri yechidiki. Vakawanda vavo vairwara zvikuru.
Brigham Young airwarawo, uye mhuri yake yaiva varombo. Asi mukadzi waBrigham, Mary Ann, akamuudza kuti, “Enda uye unozadzikisa hushumiri, uye Ishe vanozokuropafadza.”
Heber naBrigham vakanzwa zvirinani, asi vaiva vasina simba zvachose. Vaida kuparidza vhangeri, saka vakawoneka mhuri dzavo uye vakakwira kumashure kwengoro kuti vatange rwendo rwavo.
Mushure merwendo rwakareba kuyambuka gungwa, Heber naBrigham vakasvika muGreat Britain. Navamwe VaApositora, vakadzidzisa vanhu vakawanda vhangeri. Zviuru zvevanhu zvakabhabhatidzwa muChechi yaJesu Kristu. Vakawanda vavo vakafamba nengarava kuyambuka gungwa kuti vabatane neVatendi muUnited States.
Ishe vakachengeta vimbiso Yavo yokutaririra mhuri dzaHeber naBrigham apo pavaiva vari kuVashandira sevashumiri.
Peji Yekuisa Ruvara
Mwari Vakasika Chisikwa Chose Chiri Panyika.
Mufananidzo naCorey Egbert
Chisikwa chaunonyanya kufarira chii?
© 2025 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Friend Message, July 2025. Shona. 19639 731