Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Chikumi 2025
Kuvaka Temberi yeKirtland
Ishe vakaudza Joseph Smith kuti yakanga yava nguva yekuvaka temberi muKirtland, Ohio, USA. Yaizova nzvimbo yakakosha iyo Ishe yavaizoshanyira vanhu Vavo uye nokuita vimbiso navo.
Vatendi vakatanga kuvaka temberi. Yakatora mari yakawanda uye basa rakawanda. Asi vakafara kugamuchira maropafadzo aIshe.
Apo Vatendi pavaishanda patemberi, vakatanga kupererwa nemari. Vakanamatira rubatsiro kuna Mwari.
Mukadzi anonzi Caroline Tippets nemhuri yake vakanga vakachengetedza mari yakawanda. Vakabvuma kuti Chechi ikwerete mari kwavari kuitira kubatsira pakuvakwa kwetemberi.
Vatendi vakashanda nesimba. Vamwe vaityaira ngoro dzakazara nematombo. Vamwe vaigadzira hembe nezvokudya zvevashandi.
Vana vainhonga zvimedu zvemagirazi akapwanyika kuti zvigokuyiwa nokunamira pamadziro etemberi kuti agopenya muzuva.
Munguva pfupi temberi yakapedzwa kuvakwa! Vatendi vakafara kupinda muimba yaIshe kuti vagamuchire maropafadzo aVakanga vavavimbisa.
Peji Yekuisa Ruvara
Ishe Vanoziva Kuti Ndiri Ani uye Vanondida
Mufananidzo naCorey Egbert
Dhirowa chiso chako mudenderedzwa. Unoziva sei kuti Jesu Kristu anokuda?
© 2025 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Friend Message, June 2025. Shona. 19643 731